Accessibility links

Breaking News

Madzimai Akadzingwa neveOperation Dudula Owana Chouviri neKuita zveMitambo kuSouth Africa


Operation Dudula in South Africa

Masangano anorwira kodzero dzevanhu muSouth Africa anoti reAfrican Diaspora Workers Network kana kuti ADWN nereUmhakatsi Peace Ecovillage akaparura hurongwa hwekubatsira madzimai ekuZimbabwe akadzingwa pavainge vapotera muJohannesburg nesangano reOperation Dudula gore rapera.

Zvivarwa zveZimbabwe zvinodarika mazana matatu zvanga zvichigara paMsibi House, chivakwa chiri muguta reJohannesburg muSouth Africa, zvakasara zvisisina pekugara zvichitevera kubviswa kwazvakaitwa nechisimba nechikwata cheOperation Dudula. Sangano iri rinoti vatema vose vasiri zvizvarwa zveSouth Africa vanofanira kudzokera kwavakabva.

Mukuyedza kubatsira vamwe vainge vadzingwa ava, masangano anoti reAfrican Diaspora Workers Network kana kuti ADWN nereUmhakatsi Peace Ecovillage akunganidza madzimai anobva kuZimbabwe ndookuumba chikwata chinonzi Avengers Netball Club kuti vawane zvingavapa chouviri.

Sachigaro wesangano reADWN, iro rinorwirazve kodzero dzevashandi vanobva kune dzimwe nyika muSouth Africa, Doctor Janet Munakamwe vaudza Studio7 parunhare vari muJohannesburg, South Africa kuti vakaumba chikwata ichi kuti chikwikwidze murigi yedunhu reGauteng.

Vati hurongwa uhu hunopa madzimai aya mukana wekuti vahore mari ingasvika zviuru zvina kana zvishanu zvemaranzi pamwedzi semubhadharo wekutambira murigi iyi.

Kunze kwekuzviwanira mari, Amai Munakamwe vaenderera mberi vachiti hurongwa uhu hunobatsira madzimai kuti asanwe doro kana kutora zvinodhaka.

Doctor Munakamwe vaenderera mberi vachiti kune chimwe chikwata chemadzimai zana chiri kushanda nesangano reUmphakatsi Peace Ecovillage munezvekurima kuti vararamise mhudzi dzavo.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano iri, Amai Sarah Motha vabvuma kuti vari kushanda nemadzimai anobva kuZimbabwe kuti vawane chouviri.

Vati ruzhinji rwemadzimai aya rwanga rworarama nekupemha, kudya mumabhini kana kuchipfambi.

Murairidzi wechikwata chemadzimai ichi, Muzvare Norest Chikukwa vanoti kutamba kwavo murigi yemudunhu kwaunza kuyanana pakatio pevakapotera nevamwe vemuSouth Africa.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri muSouth Africa zvakamirira mutongo wedare repamusoro renyika iyi kuti zvodzoserwa kumusha here kana kuti kwete sezvo mapepa azvo eZimbabwe Exemption Permits asvika kumagumo musi wa 1 Chikunguru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG