Accessibility links

Breaking News

VaMuseveni Vodzika Mutemo Unoomesera Ngochani Zvakanyanya


VaYoweri Museveni

Vanoita zvehungochani kuUganda vari kukurudzira kubviswa kwemutemo mutsva uchangosainwa nemutungamiri wenyika iyi VaYoweri Taguta Museveni unovaomesera zvakanyanya.

Mutemo uyu unotongera kugara mujeri kwehupenyu hwose kana kuurayiwa kwevanoita zvehungochani uye kukandwa mujeri kwemakore makumi maviri kune vanokurudzira zvehungochani.

Unonzi ndiwo wakaomesesa pasi rose panyaya dzechingochani. Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reAmnesty International rinoti unotyora bumbiro remutemo renyika iyi uye rinovimba kuti matare achatonga kuti ubviswe.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG