Accessibility links

Breaking News

VaBiden naVaMcCarthy Vomirira Dare reParamende Kuti Ritambire Chibvumirano Pakuwedzera Chikwereti


Va Kevin McCarthy naVaJoe Biden
Va Kevin McCarthy naVaJoe Biden

Nhengo dzedare reparamende muAmerica dziri kunyatsotarisisa zvakabvumiranwa nemutungamiri wenyika VaJoe Biden nemutauriri wedare reparamende reHouse of Representatives VaKevin McCarthy panyaya yekuti hurumende itenderwe kukwereta mari kuti ibhadhare zvinhu zviri mubhajeti kana kuti “debt ceiling”.

Muchibvumirano ichi pane nyaya yekuti hurumende isatore zvimwe zvikwereti kusvika muna 2025.

Parikudawo kunzi pasapinzwe basa vekubazi remitero vakawanda kana kuti Internal Revenue Service’s uye kubvisa mari inosvika mabhiriyoni makumi matatu kana kuti US$30 billion yekurwisa Covid mubhajeti

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG