Accessibility links

Breaking News

Mumwedzi waChivabvu, Madzimai Okurudzirwa Kukoshesa Hutano Hwavo


Mwedzi uno wachivabvu mwedzi wakanangana nekucherechedza hutano hwemadzimai kana kuti women’s health month.

Sangano rinoona nezvehutano pasi rose reworld health organization kana kuti who rinoti madzimai nekuda kwekusarurwa anosangana nematambudziko makukutu munyaya dzezvehutano uye kushanda kwavanoita kunopa kuti vatadze kuenda kunovhenekwa navanachiremba sezvinotarisirwa gore roga roga.

Nyanzvi munezvehutano Amai Mucha Mukamiri vanoti mwedzi waChivabvu hwakakosha zvikuru kumadzimai sezvo uchivayeuchidza nezvakanakira hutano hwavo.

Mumwedzi uno madzimai anokurudzirwa kupota achigwinyisa miviri yavo, kubayiwqa nhomba, kudya zvinovaka muviri uye kuvhenekwa zvirwere zvakaita sezvegomarara, zvemoyo, zvekukanganwa kana kuti Alzheimer’s nezvimwe.

Vachipawo pfungwa dzavo, sachigaro wekomiti inoona nezvehutano mudare reparamende Doctor Ruth Labode vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti madzimai awane zvikwanisiro zvinovapa hutano hwakanaka.

Asi vati madzimai munyika haaone kukosha kwemwedzi uno wehutano hwavo sezvo kodzero yehutano iyi isiri kuzadzikiswa nekuda kwematambudziko ari munyika.

Izvi zvatsigirwa nemumwe mugari wekuGlenview Joyline Nyachuru ati kunyangwe dzimwe nguva madzimai achivhenekwa pachena dzimwe nguva, hazvina zvazvinobatsira nekuti vanozotadza kuwana mushonga.

Mumwe mugari wemuHarare Amai Chipo Chingozhoro vatiwo shuviro yavo ndeyekuti hurumende ipindire kunyanya kuzvirwere zvinobata madzimai kuti vawanikwe vachibatsirikana panyaya dzehutano.

Mutauriri mubazi rezvehutano VaDonald Mujiri vanoti havo mishonga iri mo muzvipatara uye vari kukurudzira madzimai kuti aende kuchipatara.

Kucherechedzwa kwekukosha kwehutano hwemadzimai kunotanga musi wa 8 Chivabvu rinova zuva rekupembedza mabasa anoitwa naana Amai kana kuti Mother’s Day kusvika mukupera kwemwedzi uno.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG