Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vovimbisa Kuzivisa Zuva Richaitwa Sarudzo dzeGore Rino neMuvhuro Unouya


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vavimbisa kuti vachazivisa nezvezuva resarudzo neMuvhuro unouya.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati vachazivisa ava veZimbabwe nezvezuva richaitwa sarudzo dzegore rino nemusi weMuvhuro svondo rinouya.

Bepanhau reChronicle rati VaMnangagwa vataura mashoko aya pamabiko ekuvhura zviri pamutemo mipanda yekudzidzira paMabobolo Secondary School kuBinga, mudunhu reMatabeleland North.

VaMnangagwa vanga vari kuBinga uko vaparura zvakare hurongwa hwekucherechedza mwedzi wetsika nemagariro, kana kuti National Culture Month, pachiitiko chaitirwa paKariyangwe Secondary School kwakare kuBinga.

Mutungamiri wenyika vanonzi vakurudzira vanhu vose vemuBinga kuti kana sarudzo dzave kuitwa vavhote kuitira kuchengetedza nhaka yavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG