Accessibility links

Breaking News

Sangano reAfrican Union Rokurudzira Runyararo muSudan paZuva reAfrica Day


Africa Day
Africa Day

Vamiriri venyika dzemuAfrica vaungana muAddis Ababa, guta guru reEthiopia, vachipemberera zuva reAfrica Day uye kusvitsa makore makumi matanhatu kwesangano reOrganization of African Unity kubva zvarakaumbwa musi wa 25 Chivabvu 1963.

Sangano iri rakaumbwa senzira yekuratidza nekusimbaradza kubatana kwenyika dzemuAfrica dzakanga dzasununguka nguvayo, uyewo kubatsira mukusungura Africa yose.

Mubatanidzwa uyu wave kuzivikanwa seAfrican Union mushure mekushandura zita rawo muna 2002 kumusangano wakaitirwa muSouth Africa.

Zimbabwe yabatanawo nedzimwe nyika dzemuAfrica mukucherechedza zuva iri paine kurudziro yekuremekedzwa kwekodzero dzevana vemuAfrica pamwe nekuvandudza magariro evanhu kuitira kuti zviratidze musiyano nenguva yehutongo hwerusaruraganda.

Mumiriri wesangano reAfrican Union muAmerica, Ambassador Hilda Suka-Mafudze, vanoti vari kufadzwa nekusvitsa makore makumi matanhatu (60) kwesangano ravo richiita mabasa ekubatanidza nyika dzemuAfrica.

Ambassador Mafudze vanoti vari kucherechedza zuva iri vari muCanada, iyo inove imwe yenyika dzavanoshanda vari, uko vachange vachisangana nezvizvarwa zvemu Africa vachizeya pamusoro pemabasa azvingaite ekudyidzana nenyika kwazvinobva.

Ambassador Hilda Suka-Mafudze
Ambassador Hilda Suka-Mafudze

Ambassador Mafudze vanoti sangano ravo riri kushanda nesangano reUnited Nations mukuyedza kukurudzira runyararo munyika yeSudan umo mune zvikwata zviviri zvechiuto zviri kurwisana kunyangwe zvazvo zvakanyorerana chibvumirano chekumbomisa hondo kwevhiki rimwe asi izvi zvinonzi zviri kunetsa parizvino.

"Tiri kushanda nesangano reUnited Nations mukukurudzira kuti chibvumirano cherunyararo chiremekedzwe muSudan sezvo sangano redu riri kuyedza kukurudzira runyararo munyika yeAfrica yese,"Ambassador Mafudze vaudza Studio7.

Hondo yemuSudan yakatanga mwedzi wapfura uye Ambassador Mafudze vanoti zvirikuitika muSudan zvinovarwadza sezvo vakambove mumiriri weZimbabwe muSudan kwemakore gumi zvirikuita kuti vashushikane nekuparara kwaita guta ravaishandira reKhartoum.

"Ndino ziva vanhu vazhinji vakatarisana nehondo iyi uye sangano redu reAfrican Union rakabatana nemamwe masangano ririkuita zvese zvaringagone kuti ribatsire vagari vemuSudan vasina zvikwanisiro," Ambassador Mafudze vaenderera mberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG