Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanozivisa Kuti Havachakwanisa Kuramba Vachienda kuMabasa neKushaya Chekufambisa


Vashandi vehurumende vachiratidzira muna 2010. Vashandi vanoti rwendo rwuno havachina chekufambisa kuti varambe vachienda kumabasa.
Vashandi vehurumende vachiratidzira muna 2010. Vashandi vanoti rwendo rwuno havachina chekufambisa kuti varambe vachienda kumabasa.

Vashandi vehurumende vazivisa kuti havachakwanisa kuramba vachienda kumabasa kutenga neChishanu vachiti vaomerwa nehupenyu zvekusvika pakushaya chekufambisa.

Izvi zvinonzi zvakasungwa pamusangano wakaitwa nemusi weChipiri nevatungamiri vemasangano anomirira mapoka evashandi vehurumende vese anoti vari kuboka redzidzo, vari muboka rehutano pamwe nevamwe vashandi vehurumende vose zvavo.

Vashandi vano danho ravasvika pakutora iri rakonzerwa nekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu pamwe nekushaya simba kwedhora remunyika, zvaita kuti mihoro yavo isare isisisa chaichatenga.

Munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano mumubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumende, weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaCharles Chinosengwa, vanoti vashandi vose vachaziviswa nezvechisungo ichi neChishanu pavachasangana pamhemberero dzezuva revashandi, reWorkers’ Day dzakanonoka kuitwa, idzo dzichaitwa muHarare.

VaChinosengwa vanoti vashandi vakanyorera kuhurumende vachikumbira kuti paitwe musangano wechimbichimbi weNational Joint Negotiating Council wekuzeya matambudziko akatarisana nevashandi, asi nanhasi hurumende haina zvayati yaita nenyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vashandi vehurumende vanoti vari kuda kuti muhoro wavo utangire pamadhora mazana masere nemakumi mana, US$840.00 pamwedzi kuitira kuti vakwanise kurarama.

Gurukota rezvevashandi nemabasa, Muzvinafundo Paul Mavima, vanoti hurumende yavo iri kuzviziva kuti vashandi vayo vane matambudziko anoda kugadziriswa, asi matambudziko aya haagadziriswe nekusaenda kumabasa, asi nekutaurirana patafura.

Muzvinafundo Mavima vanotenda kuti hongu vakatambira tsamba yakabva kuvashandi vachikurudzira kuti paitwe nhaurirano dzeNJNC nechimbichimbi, asi vanoti pari zvino hurumende iri kumboita tsvakiridzo yekuona kuti vashandi vakawedzerwa marii, izvo zvinogona kunonotsa nhaurirano idzi.

Asi vanoti zvawo mari yemuhoro iri kudiwa nevashandi hurumende haiikwanise, vachiti vashandi vanofanirwa kutauarwa mari dzavanoziva kuti hurumende inokwanisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG