Accessibility links

Breaking News

Pazuva reAfrica Day, Nyika dzemuAfrica Dzokurudzirwa Kusununguka Zvizere muNyaya dzeZvematongero eNyika neHupfumi


Muzinda weAfrican Union muAddis Ababa kuEthiopia.
Muzinda weAfrican Union muAddis Ababa kuEthiopia.

Apo nyika dzemu Africa dzabatana nhasi mukucherechedza zuva reAfrica day, vamwe vemapato ezvematongerwo enyika vakurudzira kuti nyika dzemuAfrica dzisununguke zvizere, munyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi.

Gore rino zuva iri riri kucherechedzwa muZimbabwe nyika yakatarisana nesarudzo, uye vemapato anopikisa pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu vachipomera hurumende mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Gore negore, Africa Day inocherechedzwa musi wa25 Chivabvu senzira yekuratidza nekusimbaradza hwaro hwekubatana hwakaparurwa neOrganisation of African Unity (OAU) iyo yakatangwa musi wa25 Chivabvu 1963. OAU yave kunzi Africa Union pari zvino.

Vakafanobata chigaro chasachigaro webato reCCC mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora, vanoti hurumende yaVaMnangagwa yatadza basa uye yauraya nyika zvave kupa kuti vana veZimbabwe vatetereke nenyika vachibatwa senhapwa nekuda kushavira mhuri dzavo kunyika dzekunze.

Asi sachigaro vebato reZanu PF kuBritain, VaXavier Zavare, vanoti pasi pehurumende yaVaMnangagwa Zimbabwe yaita zvirongwa zvemhando yepamusoro zvawanisa veruzhinji mabasa pamwe nekusimudzira magariro ezvizvarwa zvenyika.

VaZavare vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuenda kunyika dzakasiyanasiyana kunoshanda kwete nechkonzero chekuti zvaomerwa, asi kuti nechikonzero chekuti zvine dzidzo yemhando yepamusoro inozvipa hunyanzvi mumabasa epamusoro chero kwazvaenda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG