Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvine Magwaro eZEP Ave Kupera Kushanda Zviri Kuzvipira Kudzokera Kumusha Zvotsvaga Rubatsiro


Zimbabwe Exemption Permit
Zimbabwe Exemption Permit

Vari kuda kudzokera kumusha ava vakamanikidzwa kutora danho iri nekuda kwechiziviso chehurumende yeSouth Africa chekuti yave kumisa kushanda kwegwaro eZimbabwe Exemption Permit kana kuti ZEP, mushure memakore gumi nemaviri.

Muna 2021, hurumende yeSouth Africa yakasarudza kusamutsiridza magwaro aya ndookupa vanhu zana nemakumi masere ezviuru vane maZEP aya kusvika musi wa31 Zvita gore rakapera kuti vange vagadzirisa hugaro hwavo munyika iyi, kukundikana kwavo vodzokera kumusha.

Asi hurumende iyi yakazowedzera hupenyu hwemagwaro aya nemwedzi mitanhatu kusvika kumusi wa 30 Chikumi gore rino, unove kupera kwemwedzi unouya.

Mukuru werimwe remasangano ari kubatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri pamagwaro aya zviri kuzvipira kudzokera kumusha, rePoliteness Foundation, Amai Polite Mbowa, vanoti nhamo iri kusangana nevanhu ava ndeyechikwepa chaiyo.

Vari kuda kudzokera kumusha vanoda rubatsiro.
Vari kuda kudzokera kumusha vanoda rubatsiro.

“Ndivavo vanhu ivavo vatiri kuti ngavawane rubetsero rwemari dzemabhazi even nemafood baskets. Unowana kuti zvishoma zvatinazvo zvinoita zvekubvutidzanwa, paunotoona kuti vanhu ava havangodi kuenda kuZimbabwe vasina chavainacho.”

Vanoti sangano ravo riri kukumbira rubatsiro rwechikafu, magumbeze, mari kana chii zvacho chingabatsira vanhu panguva ino yechando sezvo ruzhinji rwanga rwuri pasi pechirongwa cheZEP rwuri kutarisirwa kudzoka kumusha kubva kupera kwemwedzi uno.

“Kana kuine mapato akafanana nesocial welfare abatsire vabereki vane vana vari kuda kuenda kuchikoro nemari dzechikoro uye nzvimbo dzekuti vana vadzokere kuzvikoro.”

Amai Maudy Mudhara, avo vairarama nekutengesa muguta reJohanesburg, vaudza Studio7 kuti vakazvikanda mumukamwa meshumba nekutora danho rekudzokera kuMarondera, kumusha kwavo.

“Hongu pari zvino ndiri kuita musika asi unongoona kuti kutengesa kwacho kwakaoma nekuti mabond acho haana basa. Hatimbotengesa zvinhu zvinodhura. Tinotengesa zvinhu zvema200 bond kana 150 bond apa bond racho riri kungochinja everyday zvisinei kuti ndipo paunenge vakatotarisira kuti uchadyisa vana napo.”

Vachitsigira mashoko aAmai Mudhara, Amai Esnath Sengweni vanotiwo vari kushaya mari yekuti vatange bhizinesi rekutengesa pamusika kuti vakwanise kuriritira mhuri kana vadzokera kumusha.

“Chandakaona chinonyanyonetsa kuZimbabwe kuti haukwanise kurarama. Iye zvino hakuna mabasa, saka munhu wese ari kuzviitira nemaoko.Sekumusha kwedu kuMhondoro uko, ini ndana ndaona kuti kupfuya huku dzemazai, dzemabroiler kana dzechibhoyi. Dai ndanga ndiine mvura, ndairima muriwo sezvo uchinetsa kwedu uko. Asi imari yekutanga bhiinesi racho.”

Kunyangwe hazvo ruzhinji rwuri kuti hakuna rubatsiro rwuri kupihwa vanhu nehurumende, mumiriri weZimbabwe muJohannesburg, VaEric Phiri, vati Zimbabwe haisi kuzorasa vana vayo.

“Tichaita kuti tiwane patinosangana seSouth Africa neZimbabwe nevana vedu vese zvinhu zvichienderera mberi.”

Ukuwo, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kupererwa nemvumo yekugara munyika iyi pasi pemagwaro eZEP zvinoti hazvisi kuzodzokera kumusha kunyangwe zvinhu zvakaoma sei muSouth Africa.

IOM iri kubatsirana nehurumende.
IOM iri kubatsirana nehurumende.

Hurumende yeZimbabwe inonzi iri kubatsirwa nesangano reInternational Organisation for Migration, I-O-M, mukuronga kuti vanenge vazvipira kudzokera kumusha vangatakurwa sei uye vanonosvikira kupi, vachidyeyi? Mutauriri we I-O-M muZimbabwe, Amai Fadzai Nyamande-Pangeti vakaudza Studio 7 svondo rapera kuti sangano ravo riri kubatsirwa neUnited Nations mukuona kuti rawanirwa zvikwanisiro nezvifambiso vose vanoda kudzokera kumusha.

Amai Nyamande-Pangeti vakati zvavari kuwana kune vari kuda kudzokera kumusha ndezvekuti vazhinji vavo editedvari kuda rubatsiro rwekuti vana vavo vawane nzvimbo dzezvikoro, pekugara, zvekudya nezvimwe zvakakosha zvekuti munhu atange ruwara, sezvo vazhinji vevanhu ava vakabuda munyika kare zvekuti havachina pavangati pavo pekusvikira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG