Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau veZimpapers Vanonyorera Vakuru veKambani Tsamba yeNyunyuto Vachigunun’una neMihoro Yavanoti Haichavakwanira


Muzinda webepanhau reHerald muHarare.
Muzinda webepanhau reHerald muHarare.

Vatori venhau vekambani yeZimbabwe Newspapers Group, (Zimpapers) nhasi vanyora tsamba yenyunyuto kuvakuru vekambani iyi vachigunun’una kuti mihoro yavo haichakwana uyewo kuti havana zvekushandisa zvakakwana kuti varambe vachiita basa ravo.

Mugwaro ravo, vatori venhau kubazi rekambani iyi riri kuBulawayo vati zvave kuvaremera kuti varambe vachishanda nekuti mihoro yavo haichakwana uyevo havana zvekushandisa zvakakwana pamusoro, pezvo vanoshanda nguva dzakareda dzisingaenderane nemihoro yavanotambira.

Kunyange hazvo gwaro renyunyuto ranyorwa nevari kuBulawayo, vatori venhau vese vekambani iyi vati havasi kufara uye vange vakatarisirwa kutanga kusaenda kubasa nhasi vachiti havana chekufambisa.

Izvi zvatsinhirwa nemunyori mukuru musangano rinomirira vatori venhau munyika, reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ), Perfect Hlongwane, uyo audza Studio 7 kuti sangano rake ratambirawo gwaro renyunyuto iri, akakurudzira kuti Zimpapers iagdzirise nyaya iyi nekukasika.

Perfect Hlongwane, nhengo yeZUJ
Perfect Hlongwane, nhengo yeZUJ

“Zvakakosha kuti vashandi vedu vasange vachishandiswa kunge nhapwa vanofanira kuti vashande vachiwana mari dzavo dzemihoro dzinovagutsawo ndokuti basa racho rifambewo”

Aenderera mberi achiti haisi Zimpapers chete isiri kubhadhara mihoro inokwana, asi kuti makambani ese munyika uye iyi inyaya inofanira kugadziriswa nechimbichimbi.

“Naizvozvo idambudziko ratinofanira kuti tigadzirise senyika kuitira kuti vashandi vedu zvekare vadzokere pachinhano chekuva vanhu vanoremedzeka munharaunda dzavanogara.”

Mukuru anoona nekufambiswa kwebasa muZimbabwe National Editors Forum, Njabulo Ncube, audza Studio 7 kuti makambani anofanira kubhadhara mihoro inofadza kuti vatori venhau vasazoite zvekutora chiokomuhomwe kana kuti ma bribe.

“Kana vasingapihwe mari dziri right pachaita problem. Tinokumbira kuti vapihwe mari dzavo”

Vatori venhau veZimpapers havana kuzoenderera mberi nekuramwa mabasa nhasi sezvo vakuru vakuru vekambani iyi kubva kumuzinda wavo muHarare vaenda kumapazi ayo ese kuBulawayo, Star FM nemamwe kuti vandotaura nevashandi.

Kusvika panguva dzekuma 4 masikati anhasi vamwe vakuru vakuru vekambani iyi vabva kuHarare vange vachiri mumusangano nevashandi kuBulawayo.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri weZimpapers, Amai Pualine Matanda, sezvo vati vange vari mumusangano.

Pari zvino mushandi wepasi anonzi ari kutambiriswaa zviuru mazana maviri zvemadhora emunyika, kana kuti ZWL$200 000.00, asi Hlongwane audza Studio 7 kuti izvi zvarambwa nevakuru vakuru vekambani yeZimpapers pamusangano wavaita navo.

Hlongwani anoti vakuru vakuru veZimpapers vavaudza kuti vashandi vange vari kuwedzerwa mari dzemhihoro yavo mwedzi wega wega pamwedzi mitatu yapfuura, asi achiti vange vasati vapihwa magwaro anoratidza kuti vashandi ava vanotambira mari dzakadii pataenda pamhepo.

Zimpapers ndivo varidzi vebepanhau reHerald.
Zimpapers ndivo varidzi vebepanhau reHerald.

Vashandi veZimpapers vanoti vanoda kupihwa mihoro yavo iri mumadhora ekuAmerica uye kuti muhoro wepasi utangire pamadhora mazana mashanu nemakumi mashanu ekuAmerica, kana kuti US$550.00 pamwedzi.

Kana izvi zvikatadza, vanoti vanoda kuti chimwe chikamu chemuhoro wavo chiuye ari madhora ekuAmerica uye kuti kambani ivape makuponi ekutenegsa chikafu kana kuti Grocery Vouchers, pamwe nezvifambiso zvekuendesa kubasa.

Zimpapers ine vatori venhau vanodarika mazana matatu vanoshanda kumapepnhau, marhedhiyo neterevhizheni yavo yeZTN.

Mapepanhau ayo anosanganisiria Herald, Sunday Mail, Chronicle, Sunday News H-Metro, Kwayedza neB-Metro, uye marhedhiyo anoti Star FM, Diamond neCapitalk.

Vashandi ava vanotiwo kana zvichemo zvikasagadziriswa rwendo rwuno vachazviendesa kubazi rezvekuburitswa kwemashoko kuri rizvisvitse kumutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG