Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoparura Chirongwa cheKubaya Vana Nhomba yeKudzivirira Mhetamakumbo, Kana Kuti Polio


Kuparurwa kwechirongwa chekubaya nhomba yekudzivirira mhetamakumbo kuMasvingo.
Kuparurwa kwechirongwa chekubaya nhomba yekudzivirira mhetamakumbo kuMasvingo.

Hurumende nhasi yaparura chirongwa chekubaya nhomba yekudzivirira mhetamakumbo, kana kuti Polio, muvana vane makore mashanu zvichidzika munyika yose, icho chinonzi chatanga chichifamba zvishoma sezvo vamwe vabereki vange vachiramba kubaisa vana vavo vachiti vange vasina kunzwa nezvechirongwa ichi.

Chirongwa chatanga neChipiri ichi chichapera musi weChishanu 26 svondo rino uye chiri kuona vashandi vebazi rezvehutano vachipinda mudzimba dzevagari mumadhorobha nemaruwa uyewo chiri kuwanika muzvipatara nemakiriniki ari pedyo nevanhu.

Mumwe wevashandi vange vachibaya vana mudhorobha reMasvingo,vari mukoti, Amai Evelyn Mandaza, vati chirongwa chatanga chakaneta nekuti vanhu vazhinji vange vachiti vange vasina kuudzwa nezvacho.

Izvi zvatsinhirwa nemumwe mugari wekwa Sadza KuChivhu, VaNorman Gwauya, avo vati chirongwa ichi change chakanaka asi vagari vemumaruwa vazhinji vange vasina kuziviswa zvakakwana kuti vagadzirire.

Mwana achibayiwa nhomba kuMasvingo.
Mwana achibayiwa nhomba kuMasvingo.

Mutauriri webazi rezveutano munyika, VaDonald Mujiri, vati chirongwa ichi chatanga zvakana asi vange vasingakwanisi kutipa zvizere pamhepo sezvo vange vari mumusangano.

Vati tizovafenera asi vange vasisadairi nharembozha yavo uye vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira tisati taenda pamhepo.

Hurumende inoti inotarisira kubaya vana vakawanda nhomba iyi, asi nyanzvi munyaya dzezvehutano dzakaita saDoctor Henry Madzorera, vati chirongwa ichi hachina kunyatsoshambadzwa uyewo hurumende inofanira kuva nezvikwanisiro zvekuti ipinde pose kana kugara kumaruwa ichiita izvi.

Vamwe vanamukoti vataura neStudio 7 varamba kudomwa nemazita avo vachiti havabvumidzwi kutaura nevatori venhau, vati mumaruwa vange vachisanganawo nevezvimwe zvitendero vange vachiramba kubaisa vana vachiti vanoponeswa neminamato naMwari chete.

Asi munyori wemasangano echipostori ezvemweya, veUnion of Development of Apostolic Churches and Zionist (UDACIZA), Reverend Innocent Chitanda, vati nhengo dzavo dzinofanira kuwana dzidziso yekuti zvakakoshereyi kubaisa vana nhomba idzi senzira yekuchengetedza hupenyu hwevana.

Vamwe vanoti chirongwa ichi hachina kushambadzwa zvakakwana.
Vamwe vanoti chirongwa ichi hachina kushambadzwa zvakakwana.

Vamwe vagari vemumaruwa vafarira chirongwa ichi zvikuru vachiti chavabatsira sezvo vachinetseka kuenda kuzvipatara kana makiriniki izvo zviri kure navo.

Izvi zvatsigirwawo naMambo Chitanga, VaFeleni Chauke vekuMwenezi, avo vatenda vachiti hurumende yabatsira vanhu vavo vasina mari dzekuenda kuzvipatara izvo zviri kure.

Chirongwa chekubaiwa nhomba yePolio chatangwa nehurumende panguva iri kupararira chirwere ichi munyika dzekuchamhembe kwe Africa dzakaita seMalawi neMozambique.

Hurumende inoti inoda kubaya nhomba vana vanosvika mamirioni maviri nezviuru mazana mashanu, kana kuti 2, 5 million, senzira yekudzivirira chirwere ichi, icho chinokonzera vana kuti varemare.

Chirwere ichi chinokonzerwa nehutachiwana hwe Poliovirus, uye chinotapuriranwa zviri nyore pakati pevanhu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG