Masangano mazhinji anosanganisira United Nations neAfrican Union anonzi ane chivimbo chekuti mapoka ari kurwisana muSudan acharemekedza chibvumirano chekumbomisa hondo kwevhiki rimwechete kutanga neMuvhuro, kunyangwe hazvo vagari vemuSudan vari kuti pane kurwisana kwakaitika neMuvhuro manheru muguta guru reKhartoum.
Sangano reUnited Nations Security Council rinonzi rianga richitarisirwa kusangana kuti rizeye pamusoro pezvinyorwa zvanga zvichibva kumutungamiri wegungano reUN, VaAntonio Guterres, pamusoro pemabasa ari kubatwa pasi pechirongwa cheUN Integrated Transition Assistance Mission, chiri kuitika muSudan.
Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaItai Zimunya, vanoti zvakakosha kuti mapato maviri ari kurwisana muSudan ataurirane kuti pave nerunyararo sezvo veruzhinji vari munyika iyi vari kutarisana nematambudziko akawanda pakonzerwa nehondo iyi.
"Zvakakosha kuti mapato maviri aya vawirirane kuitira kuti hondo iyi ipere sezvo vanhu vazhinji vave kutarisana nenzara uye vamwe vari kutiza munyika iyi vachinopotera senzira yekuyedza kuchengetedza hupenyu hwavo," VaZimunya vaudza Studio7.
"Shuwiro yedu ndeyekuti hondo dzakadayi dzimire uye kuti vari kurwisana muSudan varemekedze chibvumirano chavo kuitira kuti svondo rino rinopemberwa zuva reAfrica Day nemusi weChina ripembererwe kuine runyararo, vanhu vakwanisewo kupihwa zvikwanisiro zvakaparadzwa nehondo," VaZimunya vaenderera mberi.
Facebook Forum