Accessibility links

Breaking News

Vanotevera Nhabvu Vochema neGakava Riri Pakati peSRC neFIFA, Iro Vanoti Riri Kushaisa VeChidiki Mikana Yekutambira Kunze kweNyika


Muzvare Eltah Nengomasha, mukuru weSRC
Muzvare Eltah Nengomasha, mukuru weSRC

Vanotevera nhabvu munyika vanoti gakava riri pakati pesangano renhabvu yepasi rose, reFIFA, nesangano reSports and Recreation Commission, riri kutadzisa vechidiki vakawanda kuwana mikana yekuti vatambire nhabvu kunze kwenyika zvichitevera kumiswa kweZimbabwe kutamba nhabvu yepasi rose.

FIFA yakamisa Zimbabwe kutamba nhabvu yepasi rose gore rapera ichipomera hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, kupindira munyaya dzenhabvu munyika kuburikidza nesangano reSports and Recreation Commission.

Sachigaro weSports and Recreation Commission, ndiVaGerald Mlotshwa, avo vakadzinga bhodhi reZifa, raiva naVaFelton Kamambo sasachigaro, vachiti raita zvehuori.

FIFA yakayambira hurumende kuti idzose bhodhi raVaKamambo, kutadza kwayo, Zimbabwe yaizodzingwa munhabvu yepasi rose.

VaMlotshwa nebhodhi ravo vakaramba vakatsika madziro, izvo zvakapa kuti FIFA iburitse Zimbabwe munhabvu yepasi rose.

Izvi zvinoreva kuti Zimbabwe haikwanisi kuwana mari dzinobva kuFIFA dzinotarisirwa kushandiswa mukuvandudza mutambo wenhabvu, uyewo nyika haikwanisi kupinda mumakwikwi enhabvu ane chekuita nedzimwe nyika.

VaKamambo nevamwe vavo vanoti havana kana kobiri ravakashandisa zvisiri pamurawu.

VaClinton Matiza, vanotsvagira vatambi zvikwata.
VaClinton Matiza, vanotsvagira vatambi zvikwata.

Mumwe wechidki anobatsira vatambi kuwana zvikwata zvekutambira, VaClinton Matiza, vanoti kumiswa kwakaitwa Zimbabwe kungafananidzwa netsangamidzi inorapa, asi ichivava.

“Hachisi chinhu chakanyanya kushata nekuti matongerwo anga achiitwa bhora remuno anga avakuita kuti zvinhu zvisafamba zvakanaka- nyaya dzehuori, uye vanhu vanga vasisaende kunoona bhora. Saka kupindira kwehurumende kunotipa nguva yekuzvigadzirisa mumba medu. Mukazvitarisa, kubva padzoka PSL gore rino, bhora redu rava kusimukira.

“Asiwo, kubuda muFIFA kwakashatira kuti vatambi vedu havachawani mukana wekuonekwawo kunze kwenyika, kubudikidza nekutamba mumakwikwi akafanana neCHAN, AFCON nemaWorld Cup Qualifiers. Chishuwo chedu ndechekuti ZIFA nehurumende vachigara pasi zvekare, vawirirane, kuitira kuti tidzokere musangano reFIFA. Izvi zvinobatsira vatambi, kunyanyawo vechidiki.”

Mutori wenhau wechidiki, zvekare achiongororawo nhabvu, Lawrence Mangenje, anoti Zimbabwe iri panguva yakaoma.

“Zvirango zvakapiwa mutambo wenhabvu muZimbabwe idambudziko guru kwazvo nokuti mutambo uyu igutsaruzhinji sezvo varipo vakawanda vanorarama uye vanoda kurarama nenhabvu. Bhora redu rinoshaya chiremerera, zvinozopawo kuti remangwana revatambi venhabvu ringe risina kujeka, vanosanganisira vechidiki.”

VaFelton Kamambo naMai Barbara Chikosi, vaive nhengo yebhodhi reZIFA.
VaFelton Kamambo naMai Barbara Chikosi, vaive nhengo yebhodhi reZIFA.

Asi imwe nyanzvi inoongorora nhabvu, VaHope Chizuzu, vanoti kumiswa kweZimbabwe neFIFA kutamba nhabvu yepasi rose hakumisi kuti mutambo uyu uvandudzike mune vechidiki.

“Chisingachawanikwi neZimbabwe mikana inouya nekuva musangano reFIFA, asi izvi hazvimisi kutambwa nekusimudzirwa kwebhora muno, ndiko saka tiine makwikwi edu ePSL, ine maDivision 1 kusvika ku5. Saka hatingati vechidiki vaurayiwa matarenda, nokuti ZIFA haisiyo inovandudza matarenda avo, asi iripo kumirira nyika painoda kunotamba nedzimwe nyika.”

Asi Mangenje anoti haawirirani nemaonero aVaChizuzu.

“Kutambwa kwemaDivision nePSL hatingati kunovandudza bhora redu. Chinonzi kuvandudza nhabvu hunge vechidiki vachiwana mikana uye zvirongwa zvekusimudzira matarenda avo, zvinova zvinonyanya kukwanisika kana sangano reFIFA richiunzawo mari yezvirongwa izvi. Chikumbiro changu ndechekuti dai taita muonerapamwe, tisiye kupomerana mhosva, asi tiite kuti bhora ridzoke.”

Mutori wenhau Lawrence Mangenje
Mutori wenhau Lawrence Mangenje

Mumwewo anowongorora nhabvu munyika akazvimirira, VaMartin Changachirere, vanoti vatambi vebhora havana mikana yavanowana kana Zimbabwe isingatambe nedzimwe nyika.

“Kutambira nyika, kana zvikwata zvinozonokwikwidza muAfrica kana pasi rese, zvinoita kuti vatambi vakwenezvere matarenda avo, uyewo vawane mikana yekutambira zvimwe zvikwata zvekunedzimwe nyika, zvinozovawanisawo mari. Saka tine dambudziko hombe, rinonyanya kurwadza nekuti hatina mari dzakawanda dzatinokwanisa kuisa senyika, mukusimudzira vechidiki vanoda nhabvu. Saka mukana mukuru watiri kurasikirwa nawo.”

Mukuru weSports and Recreation Commission, Muzvare Eltah Nengomasha, vanoti vechidiki vasaora moyo nekuti pane hurukuro dziri kuitwa pakati peZimbabwe neFIFA kuti Zimbabwe idzokere munhabvu yepasi rose.

“Ndinoda kutenda nyika yeZimbabwe nekunzwisisa kwayaita apo isu seSRC nehurumende tiri kuyedza kugadzirisa matambudziko atakasangana nawo mumutambo wedu wenhabvu.

"Tisati tadzokera kunotamba nedzimwe nyika, pane zvinoda kugadziriswa kuitira kuti tisazosangana nezvimhingamipinyi zvatisvitsa patiri nhasi. Hatingaregedzi bhora richitungamirirwa zvisizvo. Takatoitira ivo vechidiki kuti vazogona kutamba nhabvu mune zvakanaka, zvinovapawo mikana yakakura yekuvandudza matarenda avo.”

FIFA
FIFA

Muzvare Nengomasha vanoti hapasati pava nenguva ingatarisirwa kuti hurukuro neFIFA dzichapera riini, uye seyi.

FIFA ine nhoroondo yakareba yekusadududza pamatanho ainenge yatora kunze kwekuti hurumende dzenyika dzinenge dzamiswa kutamba nhabvu yepasi rose dzabvuma zvinenge zvakatarwa nesangano iri.

Kenya, iyo yakambomiswa kutamba nhabvu yepasi rose, yakazobvumidzwa neFifa kupinda mumitambo iyi gore rapera mushure mekunge hurumende yemuKenya, yadzora bhodhi renhabvu yemunyika iyi.

Izvi zvikaitikawo kuNigeria, iyo yakambotsika madziro ichipikisa zvakanga zvatarwa neFIFA, asi ikazopedzisira yaita zvaidiwa neFIFA.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG