Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kubatwa neChirwere cheCholera Hunokwira Apo Chapinda muMaruwa


Nzvimbo iri kurapirwa vanhu vanenge vabatwa nechirwere cheCholera paChirau Hall kwaZvimba, Mashonaland West.
Nzvimbo iri kurapirwa vanhu vanenge vabatwa nechirwere cheCholera paChirau Hall kwaZvimba, Mashonaland West.

Bazi rezvehutano rakazivisa kuti svondo rakapera chete vanhu vanosvika mazana matatu nemakumi maviri vanofungidzirwa kuti vakabatwa nechirwere che cholera, huwandu hunodarika mamwe mavhiki ose kubva zvatanga chirwere ichi kubva musiwa 12 Kukadzi gore rino.

Vanhu makumi matanhatu nevasere, 68,vakabatwa nechirwere ichi nemusi weChishanu svondo rapera woga.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vanoti kunyange huwandu hwakakwira svondo rapera hazvisati zvasvika pakaipisisa.

Mukoti achirapa mwana ane cholera.
Mukoti achirapa mwana ane cholera.


VaMujiri vanoti vave kudzidzisa vagari vose kusanganisira nevekumaruwa nezvinodikanwa kudzivirira chirwere ichi.

Amai Maudy Kandawasvika vekwaZvimba, vanoti vari kupihwa chenjedzo yekuti vasamhoresane zvekubatana maoko, kusaitira tsvina pese pese, uye kuti vawanze hutsanana pamvura yekunwa nezvekudya.

Chirwere che cholera chinonzi chave kuwanikwa kumaruwa uko chinonzi chakauraya vanhu vatatu kwaChirau svondo rapera, vamwe vanomwe vachinzi vari kurapwa vari panzvimbo yakachengetedzeka paChirau Hall.

Nzvimbo yeJohanne Masowe pakafira munhu neCholera.
Nzvimbo yeJohanne Masowe pakafira munhu neCholera.

Vagari vekwaChirau vanoti vanofunga kuti chirwere ichi chakaunzwa nevatendi vechechi yeJohanne Masowe, avo vavanoti havabvumirwe nechitendero chavo kuendese varwere kunorapwa kuchipatara, sekutaura kwaAmai Sinodia Chirau.

Asi mukuru wechechi yeJohanne Masowe, uko kwakafira munhu wekutanga nechirwere che cholera mudunhu rekwaChirau, VaJustine Sithole, vanoti kuenda kunorapwa kuchipatara isarudzo inoitwa nemutendi pasina kumanikidzwa.

Mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti muHarare zvinhu zvakadzikama sezvo vanhu vari kuita vashoma munzvimbo dziri kurapwa varwere vekorera dzakaita se Beatrice Road Infectious Hospitals, iyo inonyanyozivikana nerekuti paNazareta.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevarwere, reWorking Group on Health, VaItai Rusike, vanoti chirwere che cholera chave kupararira kumaruwa nekuda kwekufambidzana kwevanhu vachibvakachirana, uyewo vanhu vave kungotengesera pese pese nekuda kwenyaya yehupfumi husina kumira zvakanaka.

VaItai Rusike, veCommunity Working Group on Health
VaItai Rusike, veCommunity Working Group on Health

VaRusike vanoti zvibhorani zvinogara zvakafa izvo zvinomanikidza kuti vagari vatsvage mvura munzvimbo dzisina kuchena.

Panyaya yemakereke asingabvumire nhengo dzavo kuenda kuchipatara, VaRusike vanoti hurumende inofanirwa kutaurirana nevakuru vemakereke aya kuti vaone kukosha kwekurapwa kana varwara uye kugara pakachena.

Pari zvino vanhu vanosvika chiuru chimwechete nezana nemakumi masere nevasere kana kuti 1188 vari kurapwa munzvimbo dzakawanda munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG