Accessibility links

Breaking News

MDC Inodzinga Zvakare Mamwe Makanzura eDhorobha reKadoma, Vakadzingwa Vachiti Vagara Zvavo Vasiri Nhengo dzeBato Iri


Tsamba yebazi rezvekutongwa kwematunhu pamusoro pekudzingwa kwemakanzura eKadoma neMDC.
Tsamba yebazi rezvekutongwa kwematunhu pamusoro pekudzingwa kwemakanzura eKadoma neMDC.

Bato reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora rakadzinga zvakare mamwe makanzura matatu edhorobha reKadoma, anoti Amai Svorai Chiwara veWard 2, amai Julianah Chigariro veWard 5 pamwe naVaCuthbert Mubaiwa veWard 17, richivapomera mhosva yekusaita basa nemazvo uye kuve nhengo dzerimwe bato.

Kudzingwa kwemakanzura aya kunouya mazuva mashomashoma bato iri richangobva kudzinga vaive meya veKadoma, VaAction Nyamukondiwa, vaive kanzura veWard 9, VaMichael Mvura, vaiva kanzura veWard 3, VaEdson Muzira veWard 4 naVaNigel Rozario, avo vaive kanzura veWard 15.

Izvi zviri kuuyawo apo nyika yasarirwa nemwedzi mishoma mishoma kuti iite sarudzo dzegore rino.

Mutauriri weMDC, VaWitness Dube, vanoti vakadzingwa ava vakanga vave kutyora mitemo yebasa ravo, uye k

VaWitness Dube, mutauriri weMDC T.
VaWitness Dube, mutauriri weMDC T.

uti vakanga vasisateerera bato ravo.

"Kudzinga ma councillors ari kuita zvehuwori, eeh, vasiri kuteedzera mitemo yebato, vasingauye kubato kuti vazotsiurwa kana kuti vabetserwe kuti vaite basa ravo hazvikanganisi musangano wedu pagadziriro dzesarudzo," VaDube vanodaro.

Vanoti makanzura aya aishevedzwa kumahofisi ebato kuti vaende vatauriranenezviri kuchemwa nevanhu vakavavhotera vairamba, vachibva vataura kuti vave verimwe bato.

"Tisingazive kuti bato racho haritsiure vanhu here? Harineyi nekuti vanoita chii, saka vachimhanyira ikoko. Saka izvozvo hazvingatitadzise kuti tigadzirire kuti tikwanise kuisa mamwe ma councillors. Titori mubishi, tiri kuita ma programs sebato kuti tiwane kuisa ma concillors achamira nebato, achamira nevanhu," vanowedzera VaDube.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sezvo tichitema tisina kwatakarerekera, tabatawo mumwe wemakanzura akadzingwa aya, Amai Svorai Chiwara, vaive kanzura weWard 2, avo vatenda kuti vakatambira tsamba yekuvazivisa kuti vakanga vadzingwa mubato reMDC-T neChishanu.

Tsamba yakasainwa nemakanzura eKadoma.
Tsamba yakasainwa nemakanzura eKadoma.

Asi Amai Chiwara vanoti vakanga vagara zvavo vasiri nhengo yebato iri.

"Ini chikonzero chakaita kuti ndidzingwe inhau yekuti paka rikoliwa meya weKadoma nemamwe ma councillors pakaita vacancy yekuti hapachisina meya.

"Saka isusu sema councillors takasaina tsamba iyo iri pamusoro iyo, yekuti tinoda kuti tiite zvinhu zviri pamutemo, inove ndiyo election yekuti titsvage mutungamiriri we council watinozofamba naye pasina kutya kana kubvunda kana tichipinda mu office make. Saka ndiyo nyaya yakaita kuti inini ndidzingwe, yekuti ndakasainireyi tsamba iyi," vanodaro Amai Chiwara.

Amai Svorai Chiwara.
Amai Svorai Chiwara.

Vanoti semunhu vanogamuchira zviripo nekuti havana kupinda basa iri vari nhengo yeMDC-T, asi kuti vakapinda vari pasi peMDC Alliance yaitungamirwa naVaNelson Chamisa.

"Semu politician handina kumbobvira ndaita wekwaMwonzora. Asi kuti ini ndiri weTriple C, ndobato rangu iroro. Handina kumbobvira ndaita rutsanga," vanowedzera Amai Chiwara vachiseka zvavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG