Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero dzeVanhu Vokurudzira Pan African Parliament Inotungamirwa naMambo Charumbira Kuzeya Nyaya yeMhirizhonga yeMudzimba


Vanorwira Kodzero vachiratidzira pamahofisi ePAP muJohannesburg, S.A.
Vanorwira Kodzero vachiratidzira pamahofisi ePAP muJohannesburg, S.A.

Johannesburg - Masangano anorwira kodzero dzevanhu nemapato ezvematongerwo enyika aratidzira neChishanu muJohanessburg, South Africa, ndokuzosvitsa gwaro rekukumbira kuti kuve nemusangano uchazeya nyaya dzemhirizhonga yemudzimba, iyo anoti yatsviriridza muAfrica.

Asi Amai Sihle Sibisi, avo vakavamba sangano reKwanele Foundation, iro ranga rakatungamira masangano ane chitsama aratidzira, vanga vakambovimbisa kuti vachasvitsa gwaro renyunyuto kudare rePAP maringe nezvipomerwa zvaMambo Charumbira.

Mutungamiri wePAP, Mambo Fortune Charumbira.
Mutungamiri wePAP, Mambo Fortune Charumbira.

Pavakaenda kuMasvingo svondo rakapera nechinangwa chekuda kusvika pamwongo wenyaya iyi, Amai Sibisi vakange vati kuchaiswa gwaro renyunyuto kuPAP rinokurudzira kuti Mambo Charumbira vasuduruke pazvigaro zvose zvine chekuita nesangano iri, iro ravanove ndivo mutungamiri.

“Tiri muno muZimbabwe nhasi kuratida kuti isu semasangano anorwisana neGBV muSouth Africa hatitarisi kudivi kana pari kuitika mhirizhonga yemudzimba. Saka tichaita kuti Mambo Charumbira vambosuduruka pahutungamiri hwavo hwePAP kusvika nyaya yavari kupomerwa yapera nekuti vatungamiri vanoshandisa zvigaro zvavo kuti vasafumurwe kana vatadza,” vakadaro Amai Sibisi svondo rakapera.

Mambo Charumbira, avo vanovazve mutungamiri wekanzuru yemadzimambo yeZimbabwe Council of Chiefs, vakatarisana nemhosva yekubata muzukuru vavo ane makore makumi maviri nemanomwe nemwero usina kukodzera kana kuti sexual assault pachirungu.

Sekutaura kwemapurisa, chiitiko ichi chinonzi chakaitika nemusi wa31 Kurume gore rino nenguva dzekumasikati apo mudzimai uyu aibva kwaMutare achienda kuHarare akananga kuAmai Mugabe Secondary School, kuMazowe, kumakwikwi egakava evana vedzidzo yesekondari.

Vanhu varatidzira pamahofisi ePAP.
Vanhu varatidzira pamahofisi ePAP.

Asi pakuratidzira kwazoitwa muJohannesburg nhasi, Amai Sibisi, varova imbwa vakaviga mupini ndokuisa gwaro ranga richikumbira kuti PAP ironge musangano uchasanganisa masangano anorwisana nemhirizhonga yemudzimba kubva kunyika dzose muAfrica.

“Tiri kuda kuti PAP ironge musangano uchaita kuti masangano anorwisana nemhirizhonga yemudzimba mukondinendi yese tisangane pamwe chete nekuti maparamende ePAP ndiwo ari kushungurudza vanhukadzi. Saka musangano vakafanirwa kuitwa nechimbichimbi,” vadaro Amai Sibisi.

Kunyangwe hazvo gwaro renyunyuto iri risina kutarisana nenyaya yaMambo Charumbira, baba vanyakumhan’ara, VaTamuka Majayaa vati zvaitika kuSouth Africa zvinovapa chivimbo vachiti vavana munyaradzi.

“Move yatorwa nemasangano anorwisana neGBV muSouth Africa iri very supportive. KuZimbabwe, they are quite apa South Africa is making noise. Saka, apa, zvatibetsera chaizvo. Tafara sitereki.”

Nyanzvi munyaya dzemagariro evanhu, VaTendai Mbofana, vati zvaitika nhasi zvinoratidza kuti hutungamiri hwenyika dzemuAfrica haudi kufumurwa kunyangwe hwatadza.

“Vangayenda havo nemapepa avo vachiti zviri kuitika hatizvifariri, asi tinotoziva kuti hapana zviripo nekuti kana munyika macho imomo tinotoona kuti mitemo inotoshandiswa kune vasina mari, vasina masimba. Asi vane masimba vanongosiiwa zvakadaro.

“Saka nyaya dzesexual abuse kana kumbunyikidzwa kwekodero dzevanhukadzi nemashefu shefu aya hakuna kwadzinoenda kwakati tsvikiti. Vanhu vanotodzivirirwa, vanotonzi ava ngativadzivirire vachityora kodzero dzevanhukadzi,” vatsanangura vachidaro VaMbofana.

Studio7 haina kukwanisa kubata Mambo Charumbira kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yanga isiri kubatika kusvika taenda pamhepo.

Hatinawo kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa nyika yose, Assistant Commissioner paul Nyathi kuti tinzwe kuti nyaya iyi yasvika papi.

Asi mamwe masangano enhau dzepadandemutande ari kuti Mambo Charumbira havana kumbobvira vapomerwa mhosva yekubata mudzimai uyu nenzira isina kukodzera, achiti mashoko aya ari kutenderedzwa nevanhu vakanangana nekusvibisa zita ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG