Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe muAmerica Zvotarisira Kusangana Mukupera kweSvondo kuAtlanta kuGungano reZim-Expo


ZimExpo 2023
ZimExpo 2023

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zviri kugadzirira gungano reZim-Expo regore rino, iro riri kutanga nemusi weChishanu svondo rino muguta reAtlanta, mudunhu reGeorgia.

Zim-Expo inobatanidza vanhu munyaya dzezvemabhizimusi, mitambo, nezvimwe zvakasiyana siyana.

Hurongwa uhu huri kunangana nezororo remagamba muAmerica, reMemorial Day, iro ririko nemusi weMuvhuro 29 Chivabvu, asi rinotanga kupembererwa mukupera kwesvondo, uye huchipera nemusi weSvondo.

Mumwe wevari kuronga gungano iri, VaAnesu Manjengwa, vekambani yeSadza.com, vanoti vachange vachishanda nemuzinda weZimbabwe muAmerica, uyo vanoti uchange uchibatsira zvizvarwa zveZimbabwe zvinoda kutora magwaro ekufambisa nezvimwe.

Zim-Expo 2023
Zim-Expo 2023

"Tiri kutarisira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvichabuda nehuwandu hwazvo kubva kunzvimbo dzakasiyana siyana dzazvinogara muno muAmerica nekunze kwenyika kuzoyanana nevamwe mune zvemabhizimisi nemitambo," VaManjengwa vaudza Studio7.

"Tiri kutarisira kuti tichange tine vaimbi vanobv kuZimbabwe vane mukurumbira vanosanganisira Tammy Moyo nevamwe pachiitiko ichi," VaManjengwa vanoenderera mberi.

Zim-Expo ichange zvakare ine makwikwi ekutsvaga tsvarakadenga dzinobva kumusha dzichawanikwa dzichikwikwidza mumakwikwi eMiss Zim-Expo.

"Vasikana vazhinji vakambopinda mumakwikwi aya vave kutoshanda kumakambani ane mukurumbira muno muAmerica mushure mekutora mukombe weMiss Zim-Expo," VaManjengwa vaudza Studio7.

Hurukuro naVa Anesu Manjengwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG