Accessibility links

Breaking News

Vasungwa Vakaregererwa neMutungamiri weNyika Votanga Kubuda muMajeri Vachikurudzirwa Kusapara Mhaka Zvakare


Vamwe vevasungwa vakwegura vaburitswa kubva mujeri reHarare Central Prison.
Vamwe vevasungwa vakwegura vaburitswa kubva mujeri reHarare Central Prison.

Hurumende nhasi yatanga kuburitsa vamwe vevasungwa vakaregererwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pasi pechirongwa chekuregerera vasungwa vari mumajeri, che Presidential Amnesty.

Pasi pechirongwa ichi, hurumende iri kutarisirwa kuburitsa vasungwa vanosvika zviuru zvina nemazana maviri nemakumi manomwe kubva mumajeri ari munzvimbo dzakasiyana siyana munyika. Studio 7 yashanyira jeri reHarare Central Prison, ukoyaona kuchiburitswa harahwa dzine makore anodarika makumi matanhatu ekuberekwa.

VaSheppy Mahiya vane makore makumi matanhatu nerimwe, ndemumwe wevaregererwa nemutungamiriri wenyika. VaMahiya, avo vanga vagara mujeri kwemakore gumi nerimwe, vaudza Studio 7 kuti vakabata chibharo muzukuru wavo aive asati abva zera, uye vatambira nemufaro kuregererwa uku.

"Aiwa ndiri kufara nazvo zvaita hurumende nekuti ndanga ndapika 11 years"

Vasungwa varegererewa paHarare Central Prison.
Vasungwa varegererewa paHarare Central Prison.

VaBobby Makaza vekwaMurewa, avo vaive vatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi nemwedzi misere, vanoti vafara zvikuru vachiburitsa mujeri mushure mekugara kwemakore mana.

"Ndaive ndatongerwa makore 18 ndobva bdabvisirwa 2 ndobva ndasara ne16 makore. Ndakazobvisirwa mamwe makore nejeri ndikasara nemakore gumi nemwedzi 8. Saka ndange ndagara mujeri kwemakore mana kwasara makore matanhatu nemwedzi sere. "

VaMaganda Zvenyika vane makore makumi manomwe nematanhatu ekuberekwa. VaZvenyika vaudzawo Studio 7 kuti vari kutarisirawo kunogara murunyararo nemhuri yavo. Vati vaive vakasungirwa kubata mwana ane makore mapfumbamwe chibharo vachiti vakangozorwawo mafuta enguruve yavasina kudya.

Mumwewo musungwa, VaChristopher Chinyai, vatiwo tarisiro yavo ndeyekuti ivo nevamwe vese vachabuda nekuregererwa vanokwanisa kuita mibato yemaoko kuitira kuti vararame.

Vachionekana nevasungwa vaburitswa kubva kujeri reHarare Central Prison, mukuru weZimbabwe Prisons and Correctional Services mudunhu reHarare, Commissioner Gilbert Marange, vati vasungwa ava vachatakurwa kunosiiwa kwavanobva.

"Musazonapare dzimwe mhosva . Mofamba zvakanaka , zvekufambisa nezvimwe zvinodiwa ndagadzirisa."

Musungwa achionekana nemukuru wepajeri.
Musungwa achionekana nemukuru wepajeri.

Vasungwa ava vayambirwawo kuti vasazonyadzisa mutungamiriri wenyika nekuzodzoka zvakare kujeri vapara dzimwe mhosva.

Vamwe vasungwa vanga vari kuChikurubi Maximum Prison vaburitswawo zvakare.

Pasi pebumbiro remutemo, mutungamiri wenyika anokwanisa kuregerera vamwe vasungwa. Vakaregererwa vanosanganisira vana vari pasi pemakore gumi nemasere avo vapika chikamu chimwe chete kubva muzvitatu kana kuti one third chemutongo wavo, vasungwa vane zvirwere zvisingarapiki, vakwegura vane makore anodarika makumi matanhatu, vanorarama nehurema nevamwewo.

Pavasungwa varegererewa ava, vanhurume zviuru zvina nezana nemakumi matanhatu nevatanhatu (4166) uye madzimai vanongova zana rimwechete nevana (104).

Dunhu reHarare ndiro rine vasungwa vakawanda varegererwa, vanosvika kuma mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe (790) richiteverwa nedunhu reBulawayo, uko kwaregererwa vanhu mazana matanhatu nemakumi masere nevasere (688).

Sekuru Musoni ndemumwe wevaregererwa.
Sekuru Musoni ndemumwe wevaregererwa.

Vanoongorora magariro evanhu vanoti huwandu hwevarume varegerererwa zvichienzaniswa nemadzimai hunoratidza kuti vanhurume ndivo vari kunyanya kup-ara mhosva kana zvichienzaniswa nemadzimai.

Zimbabwe Prisons and Correctional Services haina kupa huwandu hwevanhurume nevanhukadzi vatanga kuburitswa nyika yose nhasi, kunyange hazvo yambenge yavimbisa kuti ichaita izvi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG