Accessibility links

Breaking News

Pazuva reHIV Vaccine Awareness Day, Vehutano neVanorarama neHIV/AIDS Vokurudzira Kuramba Pachitsvagwa Nhomba yeKudzivirira HIV


Kambani yeModerna iri kuita tsvagurudzo yenhomba yekudzivirira HIV.
Kambani yeModerna iri kuita tsvagurudzo yenhomba yekudzivirira HIV.

Apo Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rekuyeuchidzana kukosha kwekuwanikwa kwenhomba yeHIV/AIDS, reHIV Vaccine Awareness Day, nyanzvi mune zvehutano nevanorarama nehutachiwana uhwu vanoti zvakakosha kuti kurambe kuchiitwa tsvakurudzo yekuti chirwere ichi chiwanirwe nhomba kuitira kudzivirira veruzhinji.

Mumwe weava nemakore akawanda zvikuru achirarama neHIV/Aids ndiMufundisi Maxwell Kapachawo, avo vanoti zuva ranhasi rakakoshera pasi rese semuyeuchidzo wekuti hatifaniri kuneta kutsvaka nhomba yeHIV/AIDS.

VaKapachawo vati nhomba inenge yakanaka zvikuru sezvo kutora mapiritsi eAntiretroviral Therapy, ayo anobatsira mukudzikisa hukasha hwechirwere ichi kwehupenyu hwese, kuchinetesa.

Nyanzvi mune zvehutano uye vakambova mukuru wesangano reZimbabwe National Network of People Living with HIV, Amai Mucha Mukamuri, vati kuwanda kwevana vari kubatwa nehutachiwana vari pakati pemakore gumi nematanhatu nemakumi maviri nemana (16-24 years) mucherechedzo wekuti zvisineyi nedzidziso nezvehutachiwna uhwu, vanhu vachiri kubatwa nahwo.

Nhomba yeHIV ichiri kutsvagwa.
Nhomba yeHIV ichiri kutsvagwa.

Amai Mukamuri vati mushonga ungapedza dambudziko iri inhomba.

Vatiwo senyika mishonga iri kunwiwa nevane hutachiona iri kupiwa nevanobatsira, vakati asi nhomba yekudzivirira chirwere ichi ikawanikwa nyika inenge yabva panjodzi huru.

Mukuru weNational Aids Council, VaBernard Madzima, vati zuva ranhasi rakakosha zvikuru. VaMadzima vati kunyangwe hazvo paitwa tsvakurudzo dzakawanda kutsvaka nhomba, hapasati pave nenhomba yati yawanikwa asi vachiti NAC inokurudzira kuti kurambe kuchiitwa tsvakurudzo.

Studio 7 yaedza kunzwa kudivi rebazi rezvehutano, asi Mutauriri webazi iri, VaDonald Mujiri, vati vanga vakabatikana panguva yataenda kutaura navo, uye vanga vasati vapindura mibvunzo yedu panguva yataenda pamhepo.

Zuva reHIV Vaccine Awareness Day, iro rinocherechedzwa pasi rose musi wa18 Chivabvu gore negore, rakatanga kucherechedzwa muna 1998 mushure memashoko evaimbove mutungamiriri weAmerica, VaBill Clinton, muna 1997, ekuti nhomba ndiyo ingabatsira kudzikisa huwandu hwevanobatwa nehutachiwana nekupedza dambudziko reAIDS.

Zuva iri rakatanga kucherechedzwa nesangano rekuAmerica re National Institute of Allergy and Infectious Diseases (NIAID), rinova bandiko re United States National Institutes of Health (NIH).

Piritsi reTenofovir. (File photo).
Piritsi reTenofovir. (File photo).

Muna Nyamavhuvhu wa2021, kambani inogadzira nhomba, ye Johnson and Johnson, yakazivisa kuti tsvakurudzo yenhomba yeAIDS yayaive yaita kwemakore gumi nemashanu yaive yatadza kudzivirira AIDS.

Imwe zvekare kambani inogadzira nhomba, yeModerna Inc., ichiri mubishi netsvakurudzo yenhomba yeAIDS ichishandisa humhizha hwayakashandisa pakugadzira nhomba yeCovid-19.

Pazuva reWorld Aids Vaccine Day, masangano akasiyanasiyana, makambani anoita tsvakurudzo, nedzinharaunda pasi rose vanoronga mitambo yakasiyanasiyana inosanganisira kupa dzidziso kune veruzhinji, kuunganidza mari, nekutaura neveurzhinji, paine chinangwa chekusimbisa nhaurirano, kugoverana ruzivo pamwe nekutsvaga rutsigiro rwetsvakurudzo yenhomba yeHIV.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG