Accessibility links

Breaking News

ZimParks Inowana Rubatsiro rweUS$50 Million Kubva kuSangano reIFAW yeKuchengetedza Mhuka kuHwange National Park


Hwange National Park ndiyo nzvimbo hombe inochengeterwa mhuka muZimbabwe. (C. Mavhunga/VOA)
Hwange National Park ndiyo nzvimbo hombe inochengeterwa mhuka muZimbabwe. (C. Mavhunga/VOA)

Zimbabwe Shona Service Show

Kambani yehurumende inoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka, yeZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, (ZimParks) nesangano reInternational Fund for Animal Welfare (IFAW) vasaininirana chibvumirano chemari inosvika mamiriyoni makumi mashanu emadhora ekuAmerica, US50 million, yekubatsira kuchengetedza mhuka kuHwange National Park kwemakore makumi maviri nemashanu anotevera.

Mutauririri weZimparks, VaTinashe Farawo, vaudza Studio 7 kuti mubatanidzwa wavo neIFAW unotevera mushandirapamwe wavange vachiita nesangano iri kwemakore mashanu kuHwange National Park kwekare.

Vati chirongwa ichi chichabatsira zvikuru pakuti Zimparks iwane zvikwanisiro zvinoshandiswa nevanochengetedza mhuka zvakaita semotokari nezvimwe.

Vati pasi pemushandirapmwe wavakaita nesangano iri, vakakwanisa kuvaka imwe kamba inogara vanochengetedza mhuka kana kuti maGame Rangers kunzvimbo yeMakona muHwange National Park makare pamwe nekuti vanogara pedyo nezvimbo iyi vawane cheuviri, izvo zvaderedza zvakanyanya kuvhimwa kana kuurayiwa kwemhuka zviri kunze kwemutemo.

Mutevedzeri wemutungamiriri wezvirongwa zvepasi rose pamwe nenyaya dzekupiwa kwerubatsiro mu IFAW, VaJimmiel Mandima, vati zvichitevera chirongwa chavo chekutanga chemakore mashanu neZimparks, vaona zvakakodzera kuenderera mberi nechirongwa ichi.

VaMandima vatiwo chibvumirano chekushanda vese kwemakore akawanda kunobatsira mukusimudzirwa kwenzvimbo yeHwange National Parks nenharaunda dzakapoteredza kwenguva yakareba.

Mutori wenhau anonyora nezvekuchengetedzwa hwemhuka zvakare ari mupepeti webepanhau repadandemutande, reConserveZim, VaJohn Cassim,vaudza Studio 7 kuti chibvumirano ichi chakakosha zvikuru nekuti chichabatsira Zimparks nezvikwanisiro sezvo yange ichitatarika kuchengetedza mhuka, zvikuru sei kunzvimbo yakakura seHwange National Park.

Hwange National Park ndiyo nzvimbo hombe yekuchengetera mhuka muZimbabwe uye ibandiko reKavango-Zambezi-Transfrontier Conservation Area (KAZA TFCA), uye yakakosha pazvirongwa zve IFAW zvekuchengetedza nzvimbo dzinochengeterwa nzou nedzimwe mhuka.

Pasi pechirongwa chasaniranwa ichi pachaumbwa komiti ine vanhu vatatu kubva kumasangano aya kuti itungamire zvirongwa uye chirongwa ichi chichabata zvikamu makumi manomwe kubva muzana zveHwange National Park.

Muna 2013 pakamuka mutauro pasi rese mushure mekunge nzou nedzimwe mhuka dzafa mushure mekuisirwa muchetura we cyanide.

Zvichakadai, chibvumirano ichi chinouya apo paine kugunun’una kukuru munyika mushure mekunge imwe kambani yezvichwerwa, yeShalom Mining Corporation, yanyorera kuhurumende ichitsvaga mvumo yekuchera mafuta kunzvimbo yeMana Pools National Park iyo inove pasi penzvimbo dzakatarwa neUnited Nations sedzakakosha, kana kuti World Heritage Site.

Asi mutevedzeri wegurukota rinoona nezvezvicherwa, VaPolite Kambamura, vakaudza paramende nezuro kuti hurumende haizofa yakapa mvumo kuti nzvimbo iyi icherwe.

Vakatiwo nzvimbo iri kudiwa neShalom iri kunze kweMana Pools National Park uyewo veMining Affairs Board vachatora danho rekuti voita sei mushure mekunzwa kubva kuvanhu.

Chishanu ndiro zuva rekupedzisira kuti veruzhinji vape pfungwa dzavo kana zvichemo pamusoro panyaya iyi pasati patorwa danho rekuti kambani iyi yopihwa mvumo here kana kuti kwete?

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG