Accessibility links

Breaking News

VaBiden neVeBato remaRepublicans Votatsurana neNyaya yeChikwereti cheNyika


VaJoe Biden kurudyi, VaKevin McCarthy kuruboshwe
VaJoe Biden kurudyi, VaKevin McCarthy kuruboshwe

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vanoti vachaenderera mberi nehurukuro nhasi nenhengo dzedare reparamende kumuzinda wavo weWhite House kuyedza kubuda nechisungo chekuti hurumende yavo itenderwe kukwereta mari yekuti iite zviri mubhajeti renyika.

Pane kusawirirana kwakanyanya pakati paVaBiden nevebato remaRepublicans vari kutungamira dare reHouse of Representatives. MaRepublicans ari kuda kuti zvimwe zvirongwa zviri kuitwa nehurumende zvimiswe sezvo zviri kudya mari yakawanda.

Asi VaBiden vanoti mari yavari kuda yakatoshandiswa kare uye zviri kutaurwa nemaRepublicans zvinotoda mumwe musangano wakasiyana nezviri kuda kuitwa parizvino nechimbi chimbi.

Chikwereti cheAmerica chadarika matrillion makumi matatu nerimw kana kuti $31.4 trillion

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG