Accessibility links

Breaking News

Madzimai Oita Musangano Mukuru muHarare Achizeya Zvimhingamupinyi Munyaya dzeZvematongerwo eNyika


Madzimai ange achisangana muHarare pamusangano wange wakarongwa nesangano reAfrican Women Leadership anoti pane zvimhngamupinyi zvakanyanya zviri kuvakanganisa kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika. Asi vati vakabatana vanokwanisa kukunda.

Mumwe ataura pamusangano uyu ndiAmai Resta Dzvinyangoma vanova kanzura vachimirira Zanu-PF uye vari mutevedzeri wasachigaro weMurehwa Rural District Council avo vati madzimai haasi kuwana rutsigiro rwakakwana.

Mutevedzeri wemutungamiri webato reMDCT Amai Paurina Mpariwa vati madzimai haana zvikwanisiro zvekuti vakwanise kunyatsokwikwidza musarudzo.

Mutungamiri webato rinopikisa reUnited Zimbabwe Alliance Amai Elisabeth Valerio vatiwo pane zvakawanda zviri kupa kuti madzimai apinde mune zvematongerwo enyika.

Mutungamiri werimwe bato rinopikisa reLabour, Economists and African Democrats (LEAD) Amai Linda Masarira vati vavhoti vanofanirwa kurega zvekutuka nekunyomba madzimai sezvo zvichizoguma zvavaodza moyo vorega kupinda mune zvematongerwo enyika.

Mumwe mudzidzi uye ari mumwe wevatevedzeri veJunior Parliament , Trish Mugwadi ati anodawo kuti vechidiki vadzidziswe nezvematongerwo enyika.

Mukuru weZimbabwe Gender Commission Amai Virginia Muwanigwa vashora mapato ezvematongerwo enyika vachiti havasi kutevedzera bumbiro remitemo pakuwanisa madzimai mukana wakaenzana.

Munyori mubazi rinoona nezvemadzimai VaMoses Mhike vati musangano wemazuva maviri uyu wanga wakakosha pakusimudzira madzimai.

Vati musangano uyu wapawo mukana wekuti madzimai arimunezvematongerwo enyika vasanganewo nevamwe vavo vakabva kunyika dzakadai seAngola , Botswana , Malawi, Namibia, Seychelles neTanzania kuti vapane pfungwa dzekuti vangawaniswe sei mikana munyaya dzezvematongerwo enyika sezvo vaine matambudziko akda kufanana.

Nyika muAfrica kuda nepasi rose yakwanisa kunyatsosimudzira madzimai iRwanda ine nhengo dzinodarika makumi matnhatu nematanhatu kubva muzana kana kuti 66% dzinova madzimai uye zvikamu makumi mashanu kubva muzana kana kuti 50% vari mudare remakurukota.

Madzimai gumi chete munhorrondo yeAfrica ndiwo akwanisa kuva vatungamiri kana kumbofanobata chigaro chemutungamiri wenyika. Amai Ellen Hohnson Sirleaf vekuLiberia ndivo vakave mutungamiri wenyika wekutanga wechidzimai kusarudzwa nevanhu kutungamiri nyika.

Musangano uyu wakatanga nezuro ukapera nhasi wakakokerwa ne African Women Leadership network yakabatana nemamwe masangano anosanganisira UN Women, UNDP, Zimbabwe Council of Churches, Women Coalition of Zimbabwe , African Union nemamwewo .

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG