Accessibility links

Breaking News

Mugodhi weKambani yeVekuChina weBikita Mine Wombovharwa Nenyaya dzeHuwori


Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa, left, shakes hands with Chinese President Xi Jinping as they pose for the media after a signing ceremony at the Great Hall of the People in Beijing, China, April 3, 2018.
Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa, left, shakes hands with Chinese President Xi Jinping as they pose for the media after a signing ceremony at the Great Hall of the People in Beijing, China, April 3, 2018.

Mugodhi weBikita Lithium Mine wekambani yezvizvarwa zvekuChina inonzi Sinomine Resource Group unonzi wakavharwa nezuro mushure mekunge kushanda kwavo munyika kwasimudza mutauro. Asi hapana kuwirirana kuti ndiyani awuvhara sezvo vamwe vari kuti ihurumende vamwe vachiti vakuru vekambani.

Kambani iyi iri kupomewa mhosva yekuburitsa chicherwa icheLithium munyika zvisiri pamutemo.

Izvi zvinotevera kumbosungwa kwevanhu gumi nevanomwe vakabatwa vaine lithium kumasvingo inosvika matani zviuru zvitatu nemazana manomwe kana kuti3, 700 tonnes. Kambani iyi iri kupomerwawo mhosva yekusabata vashandi zvakanaka. Godfrey Mtimba anotipa nyaya inotevera.

Mumwe wevashandi vepaBikita Mine VaTaurai Mhanga vaudza Studio 7 kuti vashandi vazhinji nhasi vadzoswerwa kumba.


Mukuru webasa paBikita Minerals Mine, VaDavid Mwanza vati kambani haina kuvhariswa nehurumende sezviri kubuda mumashoko ari kutenderera asi yakakumbira kuhurumende kuti imbovhara kwemazuva manomwe ichigadzirisa mabasa ayo pamwe nehuwori hunonzi huri kuitwa kuburitsa chicherwa chi zvisiri pamutemo.

Vaenderera mberi vachiti vashandi vose vamira basa vachabharwa mari dzavo pavanenge vari kudzimba zvinhu zvichigadziriswa uye vanodzoka pamabasa avo kwapera svondo.

Asi vashandi pamwechete nevamwe vanoti hurumende yakavharisa kambani yeSinomine kubva zvakabatwa vanhu vachiba Lithium.

Munyori mukuru musangano rinomirara vashandi vemumigodhi, reZimbabwe Diamonds and Allied Minerals Union, VaJustice Chinhema vati vanotambira danho ratorwa nehurumende vachiti kambani iyi
yaimbunyikidza kodzero dzevashandi pamwe nekuita huwori.

Mukuru webasa mubazi rezvemigodhi muMasvingo, VaMarshal Muzira varamba kutaura neStudio 7 vachiti havabvumidzi kutaura nevatori venhau. Vati tibate munyori mukuru mubazi ravo VaOnisimo Moyo avo vange vasingadairi nhare yavo kana kupindura mibvunzo.

Kunyangwe tisina kunza kubva kuvakuru vekambani iyi nezvavari kupomerwa zvekubata vashandi senhapwa, muzinda weChina muZimbabwe unogara uchiramba kuti makambani ezvizvarwa zvenyika iyi anombunyikidza vashandi.

Mutauriri wemaopurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa vaudza Stduio 7 kuti vanhu vakasungwa vakamboregedzwa sezvo nyaya iyi ichiri kuferefetwa.

Nyanzvi munyaya dzezvicherwa dzinoti matombo anenge acherwa lithium anenge aine zvimwe zviwanikwa gumi nezvinomwe.

Kunyangwe mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati chicherwa ichi chikwenenzverwe munyika chisati chatengeswa, zvinonzi chichiri kuendeswa kuChina chisina kuita zviri mumutemo wenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG