Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Voendesa VaMnangagwa neZEC Kumatare Zvakare


Osanda kukhethwa ukuba ngumkhokheli weMDC-T, umnumzana Douglas Mwonzora
Osanda kukhethwa ukuba ngumkhokheli weMDC-T, umnumzana Douglas Mwonzora

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC VaDouglas Mwonzora vakaendesa zvakare mapepa kudare repamusoro reHigh Court vachida kuti rimise mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kumira kutara zuva resarudzo kusvika nyaya yegwaro rekutara miganhu yekuvhota kana kuti delimitation report yagadziriswa.

Zimbabwe Electoral Commission iri kupomerwa mhosva yekusatevedzera mutemo pakugura matunhu.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvemitemo kusanganisira vaimbova gurukota rezvemitemo VaEric Matinenga nesangano rinoona nezvematare eparamende richishanda rakazvimirira reVeritas vanoti kunyangwe vachitenda kuti ZEC yakakanganisa pakugura matunhu, kana gwaro rayo rikasatambirwa zvinoreva kuti panoshandiswa ra2008 sezviri mumbiro remitemo.

Mutauriri waVaMwonzora VaLloyd Damba vaudza Studio 7 kuti vanofunga kuti vachabudirira vachiti hapangaitwe sarudzo dzinotambirika negwaro reZEC iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG