Accessibility links

Breaking News

VaRamaphosa Vanoti Vatanga Kuferefeta Vakanzi neAl Jazeera Vari Kuita Huwori Vachishanda neVamwe vemuZimbabwe


VaCyril Ramaphosa
VaCyril Ramaphosa

Mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa vazivisa dare ravo reparamende nhasi kuti vatanga kuferefeta vose vakadomwa neAl Jazeera kuti vari kushanda nevamwe vari muZimbabwe kuita huwori mukutengesa goridhe nekuchensa mari dzakasviba.

Vamwe vacho vanosanganisira Mohamed Khan anozivikanwa neremadunhurirwa rekuti Mo Dollars. Mo Dollars anonzi ari kushanda nemabhanga akawanda muSouth Africa kuchenesa nari dzakasviba. Anonzi ari kushandawo namuzvinabhizimisi wemuZimbabwe VaSimon Rudland.

Hurumende yeBritain yakatiwo iri kuda kuferefeta VaAngel, VaRikki Doolan naVaKamlesh Pattin vane magwaro emunyika iyi kana kuti citizenship vakabatwao mumambure eAl Jazeera ekunzi vari kuita huwori. Vakawanda vakadomwa neAl Jazeera ava vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG