Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vovimbisa Sarudzo Dzakachena Kune Vakakweretwa Mari neZimbabwe


President Emmerson Mnangagwa addresing thousands of people in Mt. Darwin
President Emmerson Mnangagwa addresing thousands of people in Mt. Darwin

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vavimbisa nyika nemabhanga ekunze vakakweretwa mari neZimbabwe kuti vari kuita zvavari kuvakurudzira kuti vaite zvekuita sarudzo dzakachena. Asi vanopikisa vanoti munyika makaberekera ingwe nenyaya yemhirizhonga uye havana gwaro revavhoti.

VaMnagagwa vataura izvi muHarare nhasi pamusangano wekuyedza kuuya nemazano ekuti Zimbabwe idzosere zvikwerei zvaiinazvo zvinosvika mabhiriyi gumi nemanomwe nezviuru zvishanu kana kuti US$17, 5 billion munyika nekunze kana kuti High Level Debt Resolution Forum: Arrears and Clearance and Debt Resolution Process. Mutungamiri wenyika ati achizivisa zuva richaitwa sarudzo idzi munguva pfupi inotevera uye akavimbisa kuti dzichaitwa zvakajeka uye murunyararo.

Vatiwo nyika nemasangano ese anoda kuongorora sarudzo idzi achakokwa pachishandiswa mutemo wenyika.

Panyaya yechikwereti, VaMnangagwa vati Zimbabwe yakazvipira kudhabhara zvikwereti zvayo zvese vachiti ndizvo zvapa kuti vaite nhaurirano nenyika nemasangano akakweretwa mari neZimbabwe.

Vari kutungamira nhaurirano idzi, ndiVaVaJoachim Chissano vaimbove mutungamiri wenyika yeMozambique. VaChissano vati kuvimbisa sarudzo dzakachena kwaitwa naVaMnangagwa kwakanaka chose.

Vati vanovimba kuti Zimbabwe ichaita izvi pamwe nezvimwe zvayakambisa kuita panhaurirano idzi zvakaita sekubhadhara varimi vechichena vakatorerwa minda yavo, kuripa nyika dzakatorerwa mapurazi ainge akachengetedzwa pasi zvebvumirano zve Zimbabwe kana kuti Bilateral Agreements, kuremekdza kodzero dzevanhu pamwe nekutevedza bumbiro remutemo wenyika.

Vamwewo vari kutungamira nhaurirano idzi zvakare vari mukuru weAfrican Development, VaAkinumwi Adesina, vasimbisawo nyaya yekuita sarudzo dzakachena vachiti ndizvo chete zvinoita kuti nhaurirano dzekuti nyika yobatsirawo sei kubhadhara zvikwereti dzibudirire.

VaAdesina vatiwo African Development Bank yave nehurongwa hwekui varimi vachena vabhadharwe nekukurumidza mari yavo inosvika mabhiriyoni matatu nezviuru mazana mashanu kana kuti US$3,5 billion. Hurumende yakanyorerana chibvumirano nevarimi vachena muna 2020 kuti yaizovapa mari yekuripa zvikwanisiro zvavakatorerwa pahondo yeminda.

Vatiwo nhaurirano dzavakaita nevakuru vakuru muhurumende neparamende yeAmerica dzakaratidza pachena kuti nyika dzepasi rese dzinoda kudyidzana neZimbabwe asi vakati chitsvambe chasarira kunyika kuti igadzirise zvinhu zvakapa kuti irimirane kumuganhu nenyika idzi.

Vaenderera mberi vachiti i Zimbabwe inofanira kutevedza zvese zvinodiwa pasi pemutemo weAmerica weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act kuti zvirango zvibviswe.

Asi Zimbabwe yakagadzirira here kuita sarudzo dzakachena? Mutungamiri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vanoti havana havo chivimbo nekuti ZEC iyo iri kunyima vanopikisa gwaro revavhoti inokwanisa kuita sarudzo dzakachena.

Mumwe wevatevedzeri vemutauriri webato guru rinopikisa reTriple C, VaFelix Mafa vaudza Studio 7 kuti pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa kuti nyika iite sarudzo dzakachena zvakaita sekuti Zimbabwe Electoral Commission iite basa rayo isina divi rayakerekera.

Vatiwo vanoongorora sarudzo vanofanira kuuya munyika pachine nguva kuti vaone zvese zvinenge zvichiitika.

Zanu-PF inowanzoti hayo vanenge varohwa vanofanira kuenda kumapurisa nekuti haikurudzire mhirizhonga.

Sachigaro veZimbabwe Election Support Network VaAndrew Makoni vaudza Studio 7 kuti vimbiso yaVaMnangagwa yakanaka chose asi hawoni chinoratidza kuti nyika ichaita sarudzo dzakachena.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Manyanya vaudza Studio 7 kuti zvinonetsa kugadzirisa hupfumi hwenyika.

Zimbabwe ine zvikwereti kumasangano akaita seIMF, World Bank, European Investment Bank nenyika gumi nenomwe dziri mugungano reParis Club. Vamiriri venyika idzi pamwe nemasangano ayava vapinda mumusangano wanhasi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG