Accessibility links

Breaking News

South Africa neAmerica Dzonetsana Pamusoro peChipomerwa Chekuti South Africa Yakatengesera Russia Zvombo muChivande


FILE - VaReuben Brigety, Mumiririri weAmerica muSouth Africa.
FILE - VaReuben Brigety, Mumiririri weAmerica muSouth Africa.

Bazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa rinoti rashevedza mumiriri weAmerica munyika iyi, VaReuben Brigety, pamusoro pemashoko avo ekuti South Africa yatengesera Russia zvombo zvehondo muchvande.

Izvi zviri kuuya panguva iyo bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, reU.S. State Department, rakazivisa nemusi weChina kuti rinotambira danho reSouth Africa rekuti iri kuongorora nyaya yekuti yakatengesera Russia zvombo muchivande iyi.

VaBrigety nemusi weChina vakapomera South Africa mhosva yekutengesera Russia zvombo zvekushandisa muhondo yayo neUkraine izvo vakati zvakatakurwa nengarava inotakura zvinhu, Lady R, iyo ine chekuita nekambani yekuRussia yakatemerwa zvirango.

Ngarava iyi inonzi yakamira muchivande pachiteshi chengarava chiri pedyo neguta reCape Town muna Zvita gore rapera.

VaBrigety vakati America ine chokwadi chekuti midziyo yechiuto yakaiswa mungarava Lady R pamuzinda wemauto weSimon's Town pakati pa 6 Zvita na 8 Zvita ndokuendeswa kuRussia.

Vakati izvi zvakaunza mubvunzo wekuti South Africa haina kwayakarerekera here muhondo yeRussia ne Ukraine uye chido chayo chekuti gakava iri ripere chiri papi?.

Vachitaura nevatori venhau nemusi weChina, VaBrigaty vakati kubatsira kweSouth Africa nezvombo kuRussia inyaya yakakura uye havaoni sekuti yati yagadziriswa kusvika pari zvino.

Asi mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakati ongororo yekushanya kwengarava yekuRussia iyi kumuzinda mukuru wemauto enyika yavo yakanga yatoparurwa mushure mechiitiko ichi vachibatsirana nenyanzvi dzeku America Ambassador Reuben Brigety vasati vataura kumusangano wavo nevatori venhau.

VaRamaphosa vaitaura nemusi weChina mudare reparamende vachipindura mubvunzo wekuti zvii zvavari kuita nezve nyaya iyi, uyo wakabvunzwa nemutungamiri wevamiririri vemapato anopikisa, Va ohn Steenhuisen.

Hurumende yeSouth Africa yakataura kakawanda kuti haina kwayakarerekera muhondo yeUkraine neRussia, uye inoda kuti gakava racho rigadziriswe murunyararo kuburikidza nekutaurirana.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa pachikoro chepamusoro che Tswane University of Technology, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti zviri kuitika zviri kuratidza sekuti South Africa yatora divi re Russia muhondo yayo ne Ukraine.

Vaenderera mberi vachitiwo hukama hweAmerica neSouth Africa huri kuwedzera kutsemuka nekuti kunongedzerana kwanyanya pakati penyika mbiri idzi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakarererkera kubato reZANU PF, vachiita zvidzidzo zvepamusoro paHoward University muno muAmerica, VaCalvin Manduna, vanoti vakashamisika nemashoko aVaBrigety aya.

Muna Ndira, South Africa yakatambira gurukota rinoona nezvekunze kweRussia, VaSergey Lavrov, munyika iyi pakaitwa hurukuro dzakapomera nyika dzekumawirira mhosva yekukonzera hondo pati peRussia neUkraine.

South Africa yakatarisiswawo nevakawanda apo iri kutarisirwa kuita musangano weBRICS muna Nyamavhuvhu, uyo uchapindwa nemutungamiri weRussia, VaVladimir Putin.

Asi sangano re International Criminal Court (ICC) rakatozivisa kuti riri kuda kusunga VaPutin richivapomera mhosva dzehondo.

Russia haisi nhengo yeICC, asi South Africa inhengo yesangano iri.

Nyaya yezvombo iyi inonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi inogona kuve nechekuita nekudoha kwaita Rand remuSouth Africa pamisika yemari.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG