Accessibility links

Breaking News

South Africa Yotosvorana neAmerica neKupa Russia Zvombo Zvekurwisa Ukraine


VaVladimir Putin naVaCryril Ramaphosa
VaVladimir Putin naVaCryril Ramaphosa

Mumiriri weAmerica kuSouth Africa VaReuben Brigety vakaudza vatori venhau muPretoria nezuro kuti South Africa yakatumira Russia zvombo zvehondo zvekurwisa Ukraine kunyangwe ichiti haina divi rainorerekera.

VaBrigety vakaudza vatori venhau kuti vane humbowo hwakasimba hwekuti ngarava yehondo yekuRussia inonzi Lady R yakange iri kuCape Town muna Zvita yainge yakabva yakakura zvombo zvehondo. Vakati kupa Russia zvombo sezvakaitwa neSouth Africa zvinhu zvisingagamuchirwe neAmerica.

Mumwe mutevedzeri wemutauriri mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaVedant Patel vaudza vatori venhau kuti vari kunetsekana zvikuru kuti ngarava yekambani Transmorflot LLC iri pazvirango zveAmerica nedzimwe nyika dzekumawirira yakabvumidzwa kusvika muSouth Africa.

South Africa iri kuramba kushora kupambwa kweUkraine. Bato rinopikisa muSouth Africa reDemocratic Alliance rinonzi nenhepfenuro yeAFP rashora hurumende yeANC richiti inoda kudyidzana nenyika inoda zvehondo kwete yainodyidzana nayo munyaya dzezvehupfumi.

Rand remuSouth Africa rinonzi rabva rashaya simba zvakanyanya pangotaurwa mashoko aya neAmerica,

ANC ine nhoroondo yekudyidzana neRussia kubva munguva yekurwisa hutongo hwerusarura ganda kana kuti apartheid. Mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa vabva vaudza vatori venhau kuti vaumba komiti ichaongorora nyaya iyi. Asi hofisi yaVaRamaphosa yashora VaBrigety nekukurumidza kurova bembera.

Nyanzvi munyaya dzezvekuburitswa kwemashoko Muzvinafundo Stanford Mukasa vaudza Studio 7 kuti zvinonetsa kuda kupatsanura South Africa kubva kuRussia nenhoroondo yekudyidzana kwenyika mbiri idzi munguva yekurwira rusungunuko kweSouth Africa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG