Accessibility links

Breaking News

United Nations Yoyambira Kuti Huwandu Hwevapoteri Kubva kuSudan Huchatowedzera


Sangano rinoona nezvevapoteri reUnited Nations High Commission for Refugees riri kuyambira kuti huwandu hwevanhu vachange vachitiza hondo musudan hunogona kuwedzera kana pakasaitwa chibvumirano cherunyararo.

Pazvino nhumwa dzinobva kuhurumende yechiuto iri kutungamira nyika iyi nechikwata chakaipandukira cheRapid Support Forces dziri kuSudan uko dziri kuiita nhaurirano.

Parizvino vanhu vanodarika mazana matanhatu vafa munyika iyi uye vamwe zviuru mazana manomwe kana kuti 700, 000 vakasara vasina pekugara.

Vamwe vanodarika zviuru zana kana kuti 100, 000 vakabuda munyika iyi vachienda muhupoteri.

VaTim Muringai
VaTim Muringai

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vaTim Muringai vanoti dambudziko riri muSudan rinosiririsa sezvo vari kurwisana vasiri kutarida hanya kune veruzhinji vasina zvekudya.

Kurudziro yeUnited Nations, African Union nedzimwe nyika yekuti hondo imire hapana ari kuiterera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG