Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votsvaga Gutsaruzhinji muNzira Dziri Kushandiswa neMapato Kusarudza Vachaamirira muSarudzo


Mutungamiri weMDC, VaDouglas Mwonzora.
Mutungamiri weMDC, VaDouglas Mwonzora.

Apo nyika yatarisana nesarudzo dzichaitwa gore rino, vamwe vari kutevera nyaya dzegadziriro yesarudzo vari kubvunza kana hurongwa huri kushandiswa nemapato ezvematongerwo enyika mukusarudza vachaamirira musarudzo huine gutsaruzhinji uye hwakajeka.

Bato reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, razivisa nezvehurongwa hwaro hwarichashandisa mukusarudza nhengo dzicharimirira, uho rinoti hune matanho matatu anoti nomination, consensus nema primary election, zvichireva kuti kudomwa kwevanhu, kuwirirana kwevanenge vadomwa kuti pasare munhu mumwechete, uye kuzopinda musarudzo dzema primary panenge paita mangange.

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC, VaChengetai Guta, vanoti National Council yebato ravo ndiyo yakabuda nehwaro huchashandiswa mukutsvaga vachapinda musarudzo, vachiti hwaro uhu hwakabva mubumbiro remitemo yebato ravo.

Zanu PF yakatoita sarudzo dzema primary muna Kurume muhurongwa hwakatungamirwa nesangano rinonzi nevamwe ndere vasori, reForever Association Zimbabwe, FAZ, idzo dzinonzi nevamwe hadzina kufambiswa zvakanaka.

VaNelson Chamisa veCCC.
VaNelson Chamisa veCCC.

Ukuwo, Citizens Coalition for Change yakazivisawo muna Kubvumbi kuti yakaparurawo hurongwa hwayo hwekusarudza vachamirira bato musarudzo hwainoti huri kutungamirirwa nevanhu vemunharaunda, uho hwakasiyana nema primary election.

Asi kunyangwe vakuru vemapato ose aya vari kuti vari kuita zvegutsaruzhinji mukusarudzwa kwevanhu, vamwe vari kuti hurongwa hwese uhu hahuna kujeka uye hahuna gutsaruzhinji mukati.

Nhengo yeZanu PF, VaGilbert Dzikiti, kunyange hazvo hurongwa hweMDC huchiita sekunge hwakarongeka, hurongwa uhu hahuna zvakare gutsaruzhinji, zvikuru panyaya yekuti vanenge vaita mangange vataurirane kuitira kuti mumwe wavo abude mumakwikwi.

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa

VaDzikiti vanotiwo nzira dziri kushandiswa nemapato anopikisa aya dzinokonzera kuti vanhu vashandise mari mukutsvaga rutsigiro vachitenga zvinzvimbo.

Asi VaGuta vanoti nyaya yekushandiswa kwemari mukutenga zvigaro inotonyanya kushandiswa kubato reZanu PF, mashoko aita kuti VaDzikiti vati mari muZanu PF inenge ichishandiswa kutsvaga rutsigiro, kwete zvekutenga zvigaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG