Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Havana Kunge Vasumwa neZvakabva kuBazi rezveHutano raVaChiwenga Pakutengwa Kwezvikwanisiro


VaEmmerson Mnangagwa naVaConstantino Chiwenga
VaEmmerson Mnangagwa naVaConstantino Chiwenga

Hurumende yave kurova nhendeshure panyaya yekuti veruzhinji vasaziviswe nezvinenge zvatengwa nebazi rezvehutano kusanganisira zvekuvakisa, motokari mishonga nezvimwe.

Nezuro hurumende yakaburitsa mugwaro rayo reGovernment Gazette kuti zvinhu izvi zvinotorwa sezvine chekuita nekuchengetedzwa kwenyika kana kuti “state security”.

Asi nhasi mune imwe tsamba yabva kuvatoei venhau, munyori mukuru wedare remakurukota VaMisheck Sibanda vati VaMnangagwa vati zvakaburitswa nezuro hazvisi pamutemo sezvo vange vasina kutanga vasumwa. Hurumende inoti iri kuferefeta nyaya iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaJoy Mabenge vaudza Studio 7 kuti havaone kuti ichokwadi kuti VaMnangagwa vainge vasina kusumwa.

Vatiwo zvainge zvoda kuitwa nehurmende zvekuita kunge kachitoro kadiki kasina mutemo hazvisi pamutemo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG