Accessibility links

Breaking News

CCC Inoti Zvekuti Vanhu Vasafukure Hapwa Pane Zvinotengwa NeBazi RezveHutano Kuda Kushandisa Mutemo Zvisizvo Kuita Huwori


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga

Hurumende yazivisa nhasi kuburikidza negwaro rayo reGovernment Gazette kuti vanhu havasi kuzobvumidzwa kufukura hapwa kutaura zvinhu zvinenge zvatengwa nehurumende zvekuvakisa, zvekushandisa muzvipatara nezvimwe.

Asi vanomirira Kambuzuma mudare reparamende vari nhengo yeCCC uye vachishanda nesangano reParliamentarians Network Against Corruption VaWillias Madzimure vati zviri kuitwa izvi kuda kuti huwori huitwe zviri pamutemo.

Izvi zvburitswa nemunyori mukuru mudare remakurukota Doctor Misheck Sibanda. Mugwaro iri Doctor Sibanda vati mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vati izvi zviri kuitwa nechinangwa chekuda kudzivirira nyika.

Vanoongorora nyaya dzehuwori nevatori venhau vakambonyora nyaya dzakawanda dzekuti mari yeCovid-19 haina kufambiswa zvakanaka nebazi iri kunyangwe nyaya yacho ichinzi yakatsikwatsikwa.

Studio 7 haian kukwanisa kubata mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga kana VaSibanda sezvo vanzi vange vari mudare remakurukota.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG