Accessibility links

Breaking News

United Nations Inoti Vakawanda Vari Kutiza Hondo muSudan


Apo nhumwa dzevari kurwisana muSudan dziri kusangana muzuva rechitatu kuSaudi Arabia, sangano reUnited Nations International Organization for Migration rinoti vanhu vanosvika zviuru mazana manomwe kana kuti 700,000 vatiza misha yavo kubva zvakatanga hondo musi wa 15 Kubvumbi.

Munhaurirano, hurumende iri kuti iri kuda kuti chikwata chiri kuirwisa cheRapid Support Forces kana kuti RSF chibvise varwi vacho muguta guru reKhartoum. Hurumende inoti inodawo kuti RSF itende vanhu vapihwe chikafu uye kuti mauto echikwata ichi ashande neehurumende. Bepanhau reSudan Tribune rinoti RSF haisati yapa divi rayo.

Mapato maviri aya akatumira nhumwa kuSaudi Arabia kuti dzino zeya mamusoro peku tsvaga nzvimbo dzinokwanisa kutumirwa zvekudya nezvikwanisiro kuvanhu vakatarisa nehondo munyika iyi pasina kuisa hupenyu hwavo munjodzi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vaItai Zimunya vanoti zvinofadza kuti mhumwa dzinobva kumapato maviri aya arikurwisa dziri kutaurirana parizvino muSaudi Arabia uye panokwanisa kubuda chibvumirano chinozokwanisa kumisa hondo iyi.

"Zvakakosha kuti mapato maviri echiuto ari kurwisana muSudan ataurirane uye kuremekedza runyararo pavanenge vawirirana kuti vachamisa kurwisana sezvo veruzhinji munyika iyi vasisina pekugara nechikafu chakakwana," VaZimunya vaudza Studio7.

VaZimunya vati African Union inofanira kuarambaiachikurudzira kuremekedzwa kwezvibvumirano zvekumiswa kwehondo munyika iyi izvo zviri kuramba zvichityorwa nemapato maviri aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG