Accessibility links

Breaking News

Dare Roramba Kunzwa Nyaya Yange Yakwidzwa naVaMwonzora PaKuganhurwa KweMatunhu neZEC Uye Kuti Sarudzo Dzimbomiswa


VaDouglas Mwonzora - MDC T
VaDouglas Mwonzora - MDC T

Dare repamusoro soro munyika reConstitutional Court nhasi rageza mawoko aro pachikumbiro chakasvitswa kudare iri nemutungamiri weMDCT, VaDouglas Mwonzora, chekuti sarudzo dzegore rino dzipfuudzirwe mberi vachigunun’una negwaro rekutarwa kwemiganhu yematunhu esarudzo kana kuti delimitation report rakagadzirwa nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission.

Mukuru wevatongi munyika, Chief Justice Luke Malaba, avo vanga vachitungamira dare rizere reConsatitututional Court rine vatongi vanomwe, vati vaona zvakakodzera kuti vageze maoko avo panyaya iyi vachiti magwaro aVaMwonzora haana kunyatsonyorwa zvakanaka. VaMalaba vati vachapa zvikonzero zvizere munguva pfupi iri kutevera.

Gweta raVaMwonzora, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vatenda kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare. VaMadhuku vati vachasimudzira nyaya iyi kumberi zvisinei nemutongo waturwa nedare nhasi vachiti vachaenda nenyaya iyi kudare repamusoro reHigh Court.

Dare risati ratora danho iri ranga rarambidzawo gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaJeremiah Bamu, kuti vanzwikwewo panyaya iyi seshamwari yedare richiti vanga vachifanira kuzvimirira sezvo vari gweta. Mumapepa avo ari pamberi pedare, VaBamu vanga vachida kuti sarudzo dzienderere mberi sezvakatarwa mubumbiro remitemo.

Rimwe remagweta avo, VaWilbert Mandinde, vati zvagurwa nedare panyaya yaVaBamu zvichanetsa mune ramangwana kana pakazoita umwe munhu anenge asiri gweta anenge achidawo kunzwikwa mudare panyaya inenge yawunzwa kudare nemumwe munhu.

Zvichakadai, VaMwonzora vatsanangura mutongo waturwa nedare semutongo une chekuita nezvematongerwo enyika.

VaMwonzora vanga vachida kuti dare rimise sarudzo idzo dzakatarisirwa kuitwa muna Nyamavhuvhu wegore rino kana mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatara zuva resarudzo iri.

VaMwonzora vanoti komisheni inoona nezvesarudzo haina kufambisa basa rayo zvakanaka mukutara miganhu yematunhu achaitwa sarudzo dzemakanzura nenhengo dzeparamende saka nokudaro sarudzo idzi dzinofanira kumbomiswa ZEC ichipihwa mukana wekugadzirisa gwaro remiganhu iri.

Zvaitika mudare zvinoreva kuti sarudzo dzave kuenderera mberi pachishandiswa gwaro reZEC iri uye VaMnangagwa vakatotaura kare kuti vachazivisa zuva iri chero nguva. Kana zuva iri ratarwa, veruzhinji vane mazuva maviri chete anenge asara kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota musarudzo dzegore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG