Accessibility links

Breaking News

Mambo Charles Vetatu Vanogadzwa muBritain Zvimwe Zvizvarwa zveNyika Iyi Zvichiratidzira muTrafalgar Square


Mambo Charles Vetatu vagwdzwa muBritain.

Mambo Charles Vetatu veBritain vagadzwa pamabiko aitirwa kuWestminster Abbey muguta guru reBritain, reLondon, muhuruongwa hwatungamirwa nekereke yeAnglican.

Kugadzwa kwaMambo Chrles Vetatu kwaitika kekutanga mukati memakore makumi manomwe kubva zvakagadzwa Mambokadzi Elizabeth Vechipiri, vanove mai vavo.

Vanhu vaona kugadzwa kwaMambo Charles Vetatu
Vanhu vaona kugadzwa kwaMambo Charles Vetatu

Zviuru zvevanhu vanga vakapfeka zvitsvuku, zvichena nezvebhuruu, anove mavara emureza weBritain, pamwe nevamwe vanga vakapfeka korona dzemapepa mumisoro yavo, vazadza migwagwa yemuLondon vachipemberera apo Mambo Charles nemudzimai vavo, Mambokadzi Camilla, vanga vachienda kunzvimbo yemabiko aya.

Asi havasi vanhu vese vafara nemabiko emhando yepamusorosoro aya. Zvimwe zvizvarwa zveBritain, zvikuru zvechidiki, zvinonzi zviri kugunun’una kuti humambo hwagarisa zvekuti hwadarika nguva yahwo nekukosha kwahwo.

Mambo Charles Vetatu naMambokadzi Camilla.
Mambo Charles Vetatu naMambokadzi Camilla.

Zvimwe zvizvarwa zveBritain zvanga zvachiratidzira zvaunga muTrafalgar Square, zvakabata zvinyorwa zvakasiyanasiyana uye kupfeka nhumbi dzeruvara rwe yellow dzanga dzakanyorwa kuti “Not My King”, zvichireva kuti vari kuti haasi mambo vavo.

Kune vamwewo vanonzi vari kuti chiitiko ichi chinodzora ndangariro dzekupambwa kwakanga kwakaitwa nyika dzakawanda neBritain, kunyange hazvo vamwe vari kutambira kugadzwa uku vachiti kunosimbaradza hukama pakati peBritain nedzimwe nyika dzayainge yakapamba.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ndemumwe wevatungamiri vedzimwe nyika vakakokwa kumabiko aya.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden , vanga vakamirirwa kumabiko aya nemudzimai wavo, Amai Jill Biden.

VaMnangagwa vachisvika muBritain.
VaMnangagwa vachisvika muBritain.

Kuendawo kwaVaMnangagwa kuBritain kuri kushoropodzwawo nevamwe vari kuti vaisafanirwa kukokwa vachivapomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

VaMnangagwa vanga vachitarisirwa kuzosangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muBritain, asi vanonzi havana kuzobudirira kuveko kunyange hazvo vanhu vaungana vachivatarisira.

Hatina kukwanisa kunzwa zvikonzero zvaita kuti VaMnangagwa vatadze kusangana nevanhu ava.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muBritain, Doctor William Guri, avo vanga vachiteverawo chiitiko ichi, vanoti kugadzwa kwaitwa Mambo Charles Vetatu chiitiko chakakosha zvikuru kuzvizvarwa zvenyika yeBritain, kanawo vekune dzimwe nyika vari muBritain makare.

Doctor Guri vanoti kunyange hazvo kuine vamwe vari kugunun'guna nekugadzwa kwamabo uku, vanofanirwa kuziva kuti kuti nyika yavo imire zvairi nhasi nehupfumi hwayo hwese zvakabva mumhuri yehumambo iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG