Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuferefeta Hupfumi Hunonzi Huri muMagwaro Akasvitswa kuMatare paKurambana kwaAmai Bona Chikore naVaSimba Chikore


VaSimba Chikore nemudzimai avari kurambana naye, Amai Bona Chikore
VaSimba Chikore nemudzimai avari kurambana naye, Amai Bona Chikore

Hurumende iri kukurudzirwa kuti iferefete kuti hupfumi huri kunzi huri mumagwaro akaendeswa kumatare naVaSimba Chikore pakuramba kwavari kuita nemudzimai wavo, Amai Bona Chikore, vanove mwanasikana wevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika pamwe neveruzhinji vanoti hupfumi huri kunzi ndehwevaviri ava hwakawandisa uye hunofanira kuferefetwa kuti hwakambowanikwa sei kubva pakutanga?

Magwaro ekurambana kwevaviri ava ekuti vagovane hupfumi hwavainahwo anoratidza kuti vane hupfumi hunotyisa hunosanganisira mapurazi makumi maviri nerimwe pamwe nedzimba nemasitendi zvinodarika makumi mashanu zviri kumisha inogara shoroma muHarare.

Pamusoro pazvo, vaviri ava vane dzimotokari dzakawanda uyewo imba yemhando yepamusorororo inonzi iri ku Dubai, izvo zviri mumagwaro akasvitswa kumatare nemagweta aVaChikore.

VaThabani Mlambo Jenya
VaThabani Mlambo Jenya

VaThabani Mlambo Jenya vanogara kuChipinge vati hupfumi uhwu hwakawandisa zvekuti kunyange dai vaviri ava vakashanda pamwechete vangadai vasina kuwana hupfumi hwakadai mumakoere avagara vese, vachiti hurumende inofanira kuongorora kuti vakahuwana sei?

Izvi zvatsigirwa negweta, VaKudzayi Kadzere, avo vati hupfumi hwese husina tsanangudzo hunofanira kuferefetwa pachishandiswa mutemo we Money Laundering and Proceeds of Crime of Act.

Vakadzere vaenderera mberi vachiti hapana chakaipa kuti munhu aiite hupfumi, asi kuti hupfumi hwese hunofanira kuwanikwa nenzira dzakajeka uye munhu achibhadhara mitero.

Vanoongororara nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaSimon Hove, vati kunyange Bona ange ari mwana wevaimbove mutungamiriri munyika, VaMugabe, zvinofanira kuburitswa pachena kuti akawana sei pfuma yakawanda kudai?

Asi rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaPaidamoyo Saurombe, vati kunyange hazvo paine kunyunyuta munyika pamusoro pehupfumi hwevaviri ava, panenge pasina chakashata kunze kwekunge paita vanhu vane humbowo hwekuti hwakawanikwa zvisiri pamutemo.

Amai Bona Chikore anaVaSimba Chikore
Amai Bona Chikore anaVaSimba Chikore

VaChikore vakataura mumagwaro avo kudare kuti zvimwe zvinhu vaizvipihwa semubhadharo pamabasa avaitumwa natezvara vavo, uye zvimwe zvinhu vakazvipihwa sezvipo pamuchato wavo.

Asi dzimwe nzvimbo dzekuvakira dzimba dzavakanyora mumagwaro avo kudare dziri kuna Carrick Creagh, muHarare dzinonzi nekambani ye Arosume Property Development Company, hadzisi dzavo uye dzinofanira kubviswa pazvinhu zvinofanirwa kugovanwa pakurambana kwevaviri ava.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kugweta raVaChikore, VaRogers Matsikdze, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Kamabani ye Arosume Property Development inoti masitendi aya ndeayo pamwe nebazi rezvekutongwa kwematunhu uye akawanikwa nevaviri ava zviri kunze kwemutemo zvekuti yakatokwidza nyaya iyi kuZimbabwe Anti-Corruption Commission.

Amai Bona Mugabe-Chikore
Amai Bona Mugabe-Chikore

Mutauriri weZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, Amai Thandiwe Mlobane, vatenda kuStudio 7 kuti hongu vari kuongorora nyaya iyi.

Hatina kukwanisawo kunzwa kudivi reguta reHarare pamusoro pekuti masitendi aya akaenda sei pasi pebazi rezvekutongwa kwematunhu pamwe nekambani iyi.

Asi Tsamba yakanyorwa nemunyori mukuru mubazi rezvekutongwa kwematunhu, VaGeorge Magosvongwe muna Gumiguru 2019 ichienda kukanzuru yeHarare inoratidza kuti bazi rezvekutongwa kwematunhu raida kutora dzimwe nzvimbo dzekuvakira dzimba dzirimumusha weBorrowdale muHarare kubva kukanzuru iyi.

Vanoongorora nyaya dzehuwori VaItayi Ruben Mbofana vati zviri kuitika izvi zvinoburitsa huwori huri kuitika munyika vachiti uye hurumende haina shungu yekuferefeta nyaya idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG