Accessibility links

Breaking News

America Yoramba Kuti Yaida Kuuraya VaPutin neMaDrones Sezviri Kutaurwa neRussia


Russia nhasi yapomera America mhosva yekuda kubhomba muzinda wemutungamiri wenyika iyi weKremlin nechinangwa chekuda kuuraya mutungamiri wayo VaVladimir Putin.

Asi hapana humbowo huri kupihwa nerussia huri kuratidza kuti America ndiyo yakatumira ndege dzemhando yemadrones kunombomba muzinda weKremlin.

Vamwe muAmerica nekunze vanoti Russia ndiyo yakaita izvi nekuda kusvibisa America neUkraine. Vanoti nuzinda uyu wakachengetedzwa zvekuti kuti madrones asvikepo zvinonetsa.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti mashoko aya anoratidza kuti hondo yave kusvika kwakaipisisa uye zvichatokonzera kusagadzikana kwenyika dzakawanda pasi rino kusanganisira Zimbabwe nekuda kwekuti zviri kupa kuti mafuta ekufambisa dzimotokari nezvekudya zvidhure nekushomeka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG