Accessibility links

Breaking News

United Nations Yochema Chema Nekupondwa kweVatori veNhau Pazuva Rekucherechedza Mashandiro Avo


Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva revatori venhau kana kuti World Press Freedom Day.

Mumashoko avo pazuva rekucherechedza mabasa anoitwa nevatori venhau, munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vanoti vari kushushikana zvikuru nezviri kuitika munyaya dzekutorwa kwenhau zvichitevera zvakaburitwa nebazi resangano ravo reUNESCO kuti gore rapera chete, vatori venhau makumi masere nevatanhatu kana kuti 86 vakaurayiwa pasi rose.

Gore rino sangano reReporters Without Borders rinoti vatori venhau vanomwe vato urayiwa.

MuZimbabwe kunyangwe musina mutori wenhau aurayiwa, vatori venhau nemasangano anorwira kodzero dzevanhu vanoti mune mitemo yakawanda inokanganisa vatori venhau kuita basa ravo uye vamwe vachirohwa sezvakaitwa Tawanda Muchehiwa muzukuru wemukuru webepanhau repadandemutande reZIMLIVE uye kusungwa kwemutori wenhau Hopewell Chin’ono nevamwe.

Asi gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vari kuti vari kuvandudza zvinhu.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzekufambiswa kwemashoko kwakasununguka reMedia Institute of Southern Africa VaTabani Moyo vati muZimbabwe gore ra2022 vatori venhau vanodarika makumi matatu vakasangana netsaona dzakasiyana siyana vachiita basa ravo vachiti huwandu uhwu hunotyisa.

Mumwe akashungurudzwa nemapurisa kuChitungwiza ndi Blessed Mhlanga weAlpha Media Holdings

Muzvare Chengeto Chidi avo vakashungurudzwawo vari kumusangano weTripple C kuChinhoyi vanoti vatori venhau vechikadzi vanosangana nematambudziko akawanda zvichienzaniswa nevanhurume.

Mumwe mutori wenhau weStudio 7 Godwin Mangudya akashungurudzwawo paiitwa musanga nebato reZanu-PF. Mapato maviri aya akakumbira ruregerero.

VaMoyo vati kuwanda kwevatori venhau vakashungurudzwa uku kunovatyisa kunyanya nyika yakatarisana nesarudzo. Vatiwo muSADC nyika ina dziri kutarisirwa kuita sarudzo gore rino vachiti panyika idzi, nhatu dzacho dzine mukurumbira wekushungurudza vatori venhau pamwe nekudzima madandemutande zvinokanganisa kufambiswa kwemashoko zvakanaka dzinova Democratic Republic of Congo , Zimbabwe neEswathini

Vamwe vatori venhau vari kushorawo mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba nekunyora kwavanonzi vakaita paTwitter vachityisidzira vatori venhau kuti vasanyore zvehuwori hunonzi hwaifushunurwa neAl Jazeera waibatawo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangawa nemhuri yavo.

Tsika yakadai yashorwa nurongi wemabasa muZimbabwe National Editors Forum, VaNjabulo Ncube.

Zimbabwe Lawyers for Human Rights inoti mitemo yakaita seCriminal Law(Cordification and Reform Act inokanganisa vatori venhau zvikuru chikamu 33. Sangano iri riri kushora kuda kuvaandudzwa kwemutemno uyu zvakare kuti paitwe iri kunzi Patriotic Bill. Kuda kudzikwa kwemutemo wePrivate Voluntary Organization Act kunonziwo kunokanganisa vatoei venhau kuita basa ravo.

ZLHR inoti Zimbabwe haisiwo kuzadziokisa zvakawiriranwa kumisangano yeUnited Nations kana kuti United Nations Human Rights Council-led Universal Periodic Review zvinoti mitemo inodzvinyirira kuburitswa kwemashoko ibviswe.

Sangano revatori venhau reMISA Zimbabwe rinoti kunyangwe zvichifadza kuti mimwe mitemo inotyora kodzero dzevatori venhau yakaita seAccess to Information and Protection of Privacy Act (AIPPA) yabviswa, kudzikwa kweimwe yakaita se Cyber and Data Protection Act kunoratidza kudzokera kumashure.

Gwaro regore rino re 2023 World Press Freedom Index nyika dzinonyanya kutyora kodzero dzevanhu iNorth Korea China, Vietnam, Iran neTurkmenistan. Nyika dzinoremekedza kodzero dzevatori venhau sezvinotarisirwa iNorway Ireland, Denmark, Sweden, neFinland. Zimbabwe iri pazana nemakumi maviri nematanhatupanyika zana nemakumi masere.

Zuva reWorld Press Freedom iri rinocherechedzwa musi wa3 Chivabvu gore negore uye kwave nemakore makumimatatu zuva iri richipembererwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG