Accessibility links

Breaking News

Mumwe Mukuru weUnited Nations Oshanyira Sudan Ine Hondo Yauraya Vanodarika Mazana Mashanu


Saudi Arabia Evacuees Sudan
Saudi Arabia Evacuees Sudan

Mumwe mukuru weUnited Nations munyaya dzekubatsira nechikafu kana kuti UN Emergency relief Cordinator VaMartin Griffiths vasvika kuPort Sudan, muSudan umo mune hondo nhasi kuti vasimbaradze kuti sangano ravo rakazvipira kubatsira vanhu vari munyika iyi vanosvika mamiriyoni gumi nemashanu vatarisana nenzra.

Vanhu vakawanda vanonzi vaenda kunopotera kunzvimbo iyi vachitiza hondo.

Vanhu mazana mashanu nemakumi mashanu kana kuti 550 vanonzi vafa muhondo iyi uye vamwe zviuru zvina nemazana mapfumbamwe vakuvara kubva zvakatanga hondo musi wa15 mwedzi wapera. Sudan iri kutungamirwa naGeneral Abdel Fattah Al-Burhan avo vari kurwisana nechikwata chakapandukira hurumende yavo cheRapid Support Forces kana kuti RSF. RSF inotungamirwa na General Mohamed Hamdan Dagalo uye yaimbonzi Janjaweed.

Yakaumbwa nevaive mutungamiri wenyika iyi VaOmar Al Bashire vasati vapidigurwa nechikwata ichi chakabatana nemauto ave kutungamira nyika. Janjaweed yaishandiswa kurwisa vanhu vemuDafur muSouth Sudan vairwira kuzvitonga kuzere.

Nyanzvi munyaya yezve matongerwo enyika VaItai Zimunya vanoti masangano makuru eUnited Nations neAfrican Union anofanira kuwomesera vemauto varikurwa muSudan kuti vadzosere hutongi kune veruzhinji mushure mesarudzo kwete kuramba vakapamba masimba.

Vanoti Zimbabwe inogona kudzidza zvakawanda pamusoro pezviri kuitika muSudan zvikuru huipi hwakaita hurumende yechiuto.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG