Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Yakagadzirira Kuwedzera Vashandi Mari Asi Vashandi Vachiti Pamuromo Chete


Muzvinafundo Paul Mavima
Muzvinafundo Paul Mavima

Gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti hurumende yakagadzirira kuita hurukuro nevashandi dzakanangana nenyaya dzemihoro sezvo ichiziva kuti kushaya simba kwedhora remunyika nekudhura kwezvinhu kwasiya vakawanda vasina chekubata.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko aya ari kuuya apo mumiriri wesangano revashandi pasi rose reInternational Labor Organization rakataura pamhemberero dzezuva revashandi nezuro muHarare kuti vashandi zviuru zana vakarasikirwa nemabasa muZimbabwe mumwedzi mina yekutanga kwegore uye vari pamabasa vari kungoshanda havo asi mari yavari kutambira isingakwanise kuvaburitsa muhurombo.

Kunyangwe vashandi vakawanda vari kutambiriswa nemadhora emunyika, zvinhu zvakawanda zviri kutengeswa pachishandiswa chikero chedhora rekuAmerica.

Asi mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reProgressing Teachers Union of Zimbabwe Doctor Takavafira Zhou avo vati hurumende haisi kuratidza kuzvipira kugadzirisa matambudziko dzemushandi ari kutambiriswa mutero wembwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG