Accessibility links

Breaking News

Pasi Rose Rokurudzirwa Kubatsira Sudan


Drone footage shows dense smoke rising from fires near capital Khartoum
Drone footage shows dense smoke rising from fires near capital Khartoum

Hondo yemuSudan iri kuenderera mberi pasina bato ririkuda kuremekedza kurudziro yekumbokanda zvombo pasi.

Sangano rinobatsira nechikafu reWorld Food Programme rine vashandi vatatu vakaurayiwa munyika iyi rinoti vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nemashanu kana kuti 15 million vanoda rubatsiro rwechikafu.

Vanhu vanodarika mazana mashanu vafa muhondo iyi.

Zimbabwe nedzimwe nyika dzakatoburitsa zvimwe zvizvarwa zvadzo muSudan.

Vari kurwisana mauto akapidigura hurumende nechikwata chakavapandukira chinonzi Rapid Support Forces.

Muzvanafundo Urayayi Zembe
Muzvanafundo Urayayi Zembe

Mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party uye vari nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika muzvinafundo Urayayi Zembe vanoti hondo yemu Sudan icharamba ichitsviriridza sezvo vemauto varikurwisana vasiri kuda kuremekedza kurudziro yekumisa hondo kana kutaurirana.

Vanhuwo zvavo ndivo vari kutarisana nechitsviku muSudan sezvo zvekudya zvave kushaika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG