Accessibility links

Breaking News

Botswana Yoramba Kutengesera Zimbabwe Mombe Nekusabhadhara Zvikwereti


Kunyangwe Zimbabwe ichiti ine hukama hwakasimba neBotswana munyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi, nyika iyi yazivisa kuti haichatengesere Zimbabwe mombe nenyaya yekutadza kubhadhara zvikwereti.

Gurukota rinoona nezvekurima muBotswana VaFidelis Molalo vakaudza Studio 7 kuti nyika yavo yainge yamanikidzwa kutora danho iri sezvo yakaona kuti kukweretesa Zimbabwe kusungirira mari pagumbo rengwe.

VaMolao vati zviri nani kuti vatengese nyama yavo kuDRC kunyangwe hazvo kuri chinhambwe zvichiyenzaniswa neZimbabwe.

Senzira yekutsvaga misika yekunze yemombe mhenyu mushure mekunyuka kwechirwere chemahwanda munzvimbo dzeOkavango neNgamiland munyika iyi muna 2011, Botswana yakatengesa mombe mhenyu dzinosvika zviuru makumi maviri nezvitanhatu kuCold Storage Company, iyo iri kutatarika kwemakore akawanda ichitadza kana kutobhadhara vashandi mari dzemudyandigere.

Chikwereti ichi chainge chiri chemamiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica kana kuti US$5 million asi Zimbabwe yakasarira kumashure nemadhora zviuru makumi mapfumbamwe kana kuti 90, 000 US dollars.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZimbabwe panyaya iyi sezvo gurukota rezvekutima Doctor Anxious Masuka nemunyori mukuru mubazi ravo VaAnxious Masuka vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vaudza Studio7 vari parunhare muHarare kuti danho ratorwa neBotswana rinogona kukonzeresa kushomeka kwezvinhu munyika.

Vati huwori hwadai kupfunya chisero mumapazi mazhinji ehurumende ndihwo hunoita kuti hurumende itadze kubhadhara zvikwereti.

Zimbabwe ine chikwereti zvakare cheBotswana chinoda kusvika mamiriyoni matatu emadhora ekuAmerica chemishonga yekudzivirira kupararira kwechirwere chemahwanda kana kuti anthrax.

Kunyange hazvo zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe zvakauraya mombe dzinosvika zviuru mana mashanu kana kuti 500 000 mumakore mashanu apfuura, ndufu kubva kuzvirwere zvakadai dziri kuramba dzichiderera nekuda kwezvirongwa zvehurumende munezvezvipfuyo.

Mubhuku rebudiriro rebazi iri, Doctor Bhasera vakati huwandu hwemombe munyika hwakakura kusvika pamamiriyoni mashanu anezviuru makumi mashanu kana kuti 5.5million kubva pamamiriyoni mashanu anezviuru makumi matatu kana kuti 5.3million.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG