Gavhuna vebhanga guru renyika, VaJohn Mangudya vakazivisa neChishanu kuti hurumende ichaparura musi wa 08 Chivabvu mari yepadandemutande, kana kuti digital currency, senzira yekurerutsa dambudziko remari yemunyika iyo iri kuramba ichishaya simba.
VaMangudya vakati vanhu vanenge vachishandisa matokeni anenge achitsigirwa negoridhe chairo rinenge riri kuReserve Bank of Zimbabwe, uye anenge achikwanisa kungotenga semari.
Nyanzvi mune zvehupfumi nekudyidzana kwenyika dzapasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti idanho rakanaka rekuti pashandiswe mari yepadandemutande iyi, asi vachiti zvakakosha kuti veruzhinji vawaniswe ruzivo nedzidziso zvakakwana kuitira kuti vave nechivimbo nemari iyi.
Muzvinafundo Masocha vanoti vana veZimbabwe vakawanda vachiri kuyeuka kubirwa kwavakamboitwa mari dzavo dzaive kumabhanga apo vakangomuka dzisisipo, nekudaro vanototi vaite kakutya pane mari yepadandemutande iyi.
Facebook Forum