Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, Vanokandwa muJeri kweMakore Mana paMhosva yeKukurudzira Mhirizhonga


Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume

Dare ramejasitiriti ratongera mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, kuti vagare mujeri kwemakore mana mushure mekubatwa kwavakaita nezuro vaine mhosva yekukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati muna Chikunguru 2020.

Mutongi wedare, Amai Feresu Chakanyuka, vazoti VaNgarivhume vagare mujeri kwemakore matatu kana kuti mwedzi makumi matatu nemitanhatu, 36, mushure mekusendeka parutivi mwedzi gumi nemiviri, vachiti kuvabhadharisa faindi kunoita kuti mhosva yavakapara iite seyemangamanga.

Mutongo uyu unotevera kurambwa kwaitwa nedare chikumbiro chaVaNgarivume chekuti vakwire kudare repamusorosoro reConstitutional Court vachiti chikamu chemutemo wakashandiswa pakuvabata nemhosva chinotyora kodzero dzavo.

Dare rarambawo chikumbiro chekuti mutongo umbomira kupihwa ivo vachienda kudare repamusoro vachipikisa mutongo wekuvarambidza kukwidza nyaya yavo kuConstitutional Court.

VaNgarivhume vachitaura negweta ravo, VaLovemore Madhuku
VaNgarivhume vachitaura negweta ravo, VaLovemore Madhuku

Gweta ravo, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare.

VaMadhuku vati vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro.

Mushure mekuturwa kwemutongo uyu, VaNgarivhume vakurudzira veruzhinji kuti vasadzokere shure nekurwira shanduko munyika zvisineyi nemutongo wavapihwa.

VaNgarivhume ndivo vave munhu wekutanga munyika kutongerwa kugara mujeri nemhosva yekukurudzira veruzhinji kuratidzira zvine mhirizhonga mukati.

VaNgarivhume vanonzi vakakurudzira mhirizhonga pavakanyora padandemutande ravo reTwitter vachikurudzira kuti veruzhinji vapinde mumigwagwa musi Chikunguru 31, 2020 vachitsutsumwa nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.

Kuratidzira uku hakuna kuzoenderera mberi mushure mekuzosungwa kwakaitwa ivo VaNgarivhume nevamwe vanosanganisira mutori wenhau Hopewell Chin’ono nemumiriri weZengeza West muparamende VaJob Sikhala.

VaNgarivhume vakambogara kujeri reChikurubi muna 2020.
VaNgarivhume vakambogara kujeri reChikurubi muna 2020.

Asi pakutongwa kwemhosva iyi, VaNgarivhume vairamba mhosva yavaipomerwa vachiti havasirivo muridzi wedandemutande iri.

Mune imwewo nyaya yanga iri kumatare, dare rapfuudzira mberi kumusi waChivabvu 03, unove mwedzi unouya, kutura mutongo waro panyaya iri kupomerwa VaSikhala yekunzi vakavhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare.

Izvi zvinotevera kupambwa nekuzopondwa kwakaitwa nhengo yebato ravo reCCC, Muzvare Moreblessing Ali, nevanofungidzirwa kuti inhengo yeZanu PF, VaPius Jamba Mukandi, avo vakatobvuma kare mhosva iyi mumatare.

VaSikhala vari kupomerwawo zvakare mhosva yekukurudzira veruzhinji kuti vaite zvemhirizhonga pamusoro penyaya iyi.

VaSikhala
VaSikhala

Vari kupomerwawo imwe mhosva yekukurudzira veruzhinji zvine mhirizhonga mukati pakuratidzira kwakanga kwashevedzerwa nesangano reJuly 31st Movement rinotungamirwa naVaNgarivhume.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG