Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Voenda Kunosanga neVatungamiri veSADC neAU Pamberi Pesarudzo


Nelson Chamisa and Hakainde Hichilema
Nelson Chamisa and Hakainde Hichilema

Mutungamiri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vari kutarisirwa kuita rwendo rwekunosangana nevatungamiri venyika dziri dzegungano rekuchamhembe kweAfrica reSADC pamwe neAfrican Union nechinangwa chekuedza kuti masangano aya abatsire mukugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika pamberi pesarudzo dzegore rino.

Vachitaura nevatori venhau muHarare nhasi, mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostallos Siziba, vati nyaya dzavachasimudza kuSADC neAU dzinosanganisira kusamira zvakanaka kwenyaya dzezvehupfumi, zvematongerwo enyika pamwe nenyaya dzinobata nyaya dzesarudzo.

Asi vanokokera nhengo dzeZanu PF muaparamende, VaPupurai Togarepi, vati VaChamisa nebato ravo havafanire kuita bembera vachienda kunze kwenyika vasina kutsvaga nzira dzekugadzirisa zvavanoti zviri kunetsa vari muno munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaBekezela Gumbo, vati rwendo urwu rwakakosha zvikuru sezvo bato reZanu PF richipomerwa mhirizhonga kunyanya munguva dzesarudzo vachiti hazvingaite kuti mapato anopikisa aponderwe musaga anyerere.

VaTogarepi vati nyaya yaVaSikhala inyaya isingafanire kupindirwa nemamwe mapandiko ehurumende sezvo vachiti vematare anoshanda akazvimirira.

VaSiziba vatiwo dzimwe nhengo dzebato ravo dzakadomwa mazita adzo pakati pevachazokwikwidza vakamirira bato ravo musarudzo dziri kuuya dziri kushungurudzwa nevari kufungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.

Asi VaTogarepi vati zviri kutaurwa neCCC izvi inzira dzekutsvaga kusvibisa zita rehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG