Accessibility links

Breaking News

Dare Nhasi Rotarisirwa Kupa Mutongo Waro PaNyaya Iri Kupomerwa VaNgarivhume Yekuti Vaida Kupesvedzera Mhirizhonga


Transform Zimbabwe president Jacob Ngarivhume
Transform Zimbabwe president Jacob Ngarivhume

Nhasi dare ramejastiriti riri kutarisirwa masikati kupa mutongo waro pamhosva iri kupomerwa mutungamiri webato rinopiksa reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume yekuti vaida kukonzera mhirizhonga muna Chikumi 2020.

Vamwe vari kupomerwa mhosva imwe chete asi vachitongwa voga vanosanganisira mumiriri weZengeza West VaJob Sikhala uye mutoei wenhau VaHopewell Chin’ono.

VaNgarivhume vange vachimirirwa nemagweta avo anoti Muzvinafundo Lovemore Madhuku uye VaHarrison Nkomo.

Vachitaura mudare iri pakutongwa kwenyaya vanotungamira mapurisa mudunhu reHarare kudivi rematikitivha kana kuti Officer Commanding Harare Province CID Superintendent Edmore Muchineripi vakati VaNgarivhume vaishandisa dandemutande reTwitter kupesvezera vanhu kuti vaite mhirizhonga.

Izvi zvakatevera mashoko avanonzi vakanyora padandemutande ravo reTwitter kubva musi wa Kurume 1 kusvika Chikungururu 2020 vachinzi vaikurudzira kuti vanhu varatidzire.

VaNgarivhume vari kuramba mashoko aya vachiti pane munhu akavhura peji reTwitter iri nechinangwa chekuda kuvasvibisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG