Accessibility links

Breaking News

"Kumusha Wines" Yotengwa Nevakawanda muAmerica


Tinashe Nyamudoka of Kumusha Wines In Washington DC
Tinashe Nyamudoka of Kumusha Wines In Washington DC

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe VaTinashe Nyamudoka vanogadzira wine inonzi "Kumusha Wines" vanoti vari kufara zvikuru nekutambirwa kuri kuitwa wine yavo muAmerica.

Parizvino VaNyamudoka vari muguta reWashington DC uye nemusi weChitatu vakaita gungano rekushambadza wine dzavo nhatu dzinoti Pinotage – a red wine, Rose ne Sauvignon Blanc.

Tinashe Nyamudoka of Kumusha Wines In Washington DC
Tinashe Nyamudoka of Kumusha Wines In Washington DC

VaNyamudoka avo vanobva kuInyanga vanoti wine yavo yave kutengeswa mumatunhu makumi matatu nemanomwe pamatunhu makumi mashanu muAmerica izvo zviri kuvafadza.

Vanoti veruzhinji vanofarira nhoroondo yehupenyu hwavo yekuti vakatanga kugadzira wine mushure mekushanda muma hotera muSouth Africa kwechinguva vachidirira vanhu wine mushure mekutiza kuZimbabwe nenyaya yekusamira zvakanaka kwehupfumi.

Vasati vauya muWashington DC vakashanyirawo Texas uye nemusi weChishanu vachange vachishamba wine yavo muWashington DC zvakare neVirgina vasati vaenda ku Michigan ne Vermont.

Tinashe Nyamudoka of Kumusha Wines In Washington DC
Tinashe Nyamudoka of Kumusha Wines In Washington DC

VaNyamudoka vakaita mbiri zvakare mushure mekugadzira firimu nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvitatu zvinoshanda munyaya dzekugadzira wine rinonzi “Blind Ambition” iro rinotaura nezve nhoroondo yehupenyu hwavo.

Varume vana ava vakawanisa zvakare kumirira Zimbabwe kumakwikwi e World Blind Wine Tasting Championship kuFrance munguva yapfuura izvo zvinotaurwa zvakare mufirimu ravo.

"Ndiri kufara nematambirwo andaita muWashington DC umo ndakwanisa kutengesa wine yangu kune vanhu vakawanda," VaNyamukonda vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG