Musika mukuru wekushambadza kutengeserana uye unopa makambani mukana wekuti aratidze zvigadzirwa zvawo, weZimbabwe International Trade Fari, ZITF, wavhurwa muBulawayo paine vari kushambadza zvigadzirwa zvavo vakawanda.
Sachigaro weZITF, VaBusisa Moyo, vakaudza bepanhau reChronicle kuti vari kushambadza zvigadzirwa zvavo vanodarika mazana mashanu nemakumi matatu, vachiti zvikamu makumi maviri nechimwe kubva muzana, 21 precent, zvevari kuratidza ava makambani anobva makare muBulawayo.
VaMoyo vakatiwo vaitarisira makambani makumi maviri nemashanu anobva kunyika makumi maviri neimwe, dzinosanganirisa America ne Belarus.
Musika unopindwa nenyika dzepasi rose uyu unopawo mukana mukuru kumakambani emunyika wekuti azvishambadze achiratidza zvaanogadzira.
Nyanzvi mune zvehupfumi uye vakambotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, (CZI), VaCallisto Jokonya, vanoti kunyange hazvo zvinhu zviri kumbooma pano nepapo, musika uyu wakakosha sezvo uchipa makambani emunyika pamwe neZimbabwe mukana wekuzvishambadza kunze.
Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti nekuda kwematambudziko akawanda ari kutarisana nemakambani emunyika, anosanganisira kudzimwadzimwa kwemagetsi, mukana uyu haunyanyobatsiri makambani emunyika, asi kuti unotopa vekunze mukana wekuzvishambadza.
Doctor Jokonya vanoti vanowirirana naDoctor Kanyenze panyaya yekuti magetsi ari kushaikwa munyika, asi vanoti vemakambani vanofanirwawo kutsvaga nzira dzekumhanyisa nadzo mabasa avo munguva dzekunetsa kwemagetsi idzodzo.
Asi dzimwe nyanzvi dzinoti izvi zvinozoita kuti mitengo yezvigadzirwa zvemunyika idhure zvakanyanya kudarika Makambani emunyika anonzi ari kukanganiswawo zvakanyanya nekushaya simba kuri kuramba kuchiita dhora remunyika kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica.
Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaPersistence Gwanyanya, vanouya nezano kumakambani aya, vachiti pangadai zvapo paine hurongwa hwekudzikamisa dhora remunyika, asi kuti ridzikame nekusingaperi nyika inofanirwa kunge isingatengi zvinhu zvakawanda kubva kunze.
Saka zvii zvingaitwa kuti zvinhu zvirerukire makambani emunyika kuitira kuti akwanise kukwikwidzanawo nemakambani ekunze? Doctor Kanyenze vanoti panofanirwa kuiswa misoro pamwechete nekukasika, posiyanwa netsika yemazvake mazvake iripo pari zvino, vachiti rume rimwe harikombe churu.
Hatina kukwanisa kubata sachigaro veZITF, VaBusisa Moyo kuti tinzwe kuti zuva rekutanga rafamba sei? Hatinawo kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rezvemaindasitiri, Doctor Sekai Nzenza, sezvo vanga vasati vapindura mibvunzo yedu yatavatumira.
Nemusi weChitatu, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vari kutarisirwa kuve munyarikani mukuru pamusangano wezvemabhizimusi weZITF International Business Conference, uyo unoitwa parutivi pemusika wekushambadza zvigadzirwa uyu gore roga roga ne ZITF yakabatana neNational Economic Consultative Forum.
Dingindira regore rino rakanangana nekugoverana zvekuita, pfungwa, zvinangwa uye kuti nyika dzinge dzichikwanisa kugadzira zvinhu zvemhando yepamusoro zvinotengeswa nemari yepamusoro, kana kuti “Transformative Innovation, Global Competitiveness”.
Musika uyu unonzi unotarisirwawo kuunza bhizimusi guru kumakambani nemahotera emuBulawayo.
Musika uyu uri kutarisirwa kuvhurwa zviri pamutemo naMambo Mswati Vetatu, nemusi weChishanu svondo rino.
Facebook Forum