Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoburitsa Zvimwe Zvizvarwa Zvayo muSudan


Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika pasi rose dziri kuita chipatapata kuburitsa zvizvarwa zvadzo zviri muSudan umo mune hondo inotyisa.

Vanhu vanodarika mazana mana nemakumi maviri kana kuti 420 vafa muhondo iyi. Mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaLevit Mugejo vaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti zvizvarwa zveZimbabwe zana zvinogara muSudan zvati hazvina kukuvadzwa asi zvinoda kudzokera kumusha.

Vati bazi ravo rakwanisa kutakura vamwe vanhu nemabhazi kubva muKhartoum kuenda kuPortsudan vachitungamirirwa ne
United Nations. Nhandare dzengege dzakavharwa nekuda kwehondo iyi.

Vanhu vanodarika chiuru chimwe chete nemazana manomwe kana kuti 3,700 vaka kuvara. Nyika dzaburitsa zvizvarwa zvadzo dzinosanganisira Canada, Egypt, France, Germany, Italy, Sweden neAmerica.

America nemusi weMugovera yakaburitsa vashandi vepamuzinda wayo kuSudan ikavaendesa kuEthiopia. Kurwisana kunotyisa kuri kuenderera mberi pakati pemauto ehurumende nevakaipandukira veRapid Support Force.

Vanhu vemuSudan vanonzi vari kuzvitsvagira nzira dzavo dzekuyedza kutiza hondo iyi. Mauto haasi kuwirirana kuti oshanda sei nechikwata cheRSF ichi.

Muzvanafundo Urayayi Zembe
Muzvanafundo Urayayi Zembe

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika uye vari mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party VaUrayai Zembe vanoti zviri kuitika muSudan zvinonzwisa tsitsi sezvo Vari munyika iyi vave kutarisana nenzara pamusoro pehondo yavasingazive kuti iri famba seyi.

"Tinoshuwira kuti zvinhu zvichagadzirika munyika yeSudan asi hondo yevemauto ino netsa kupedza sezvo vese vachifunga kuti ndivo vanoziva uye zvichinetsa kutaurirana," VaZembe vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG