Accessibility links

Breaking News

Dhora rekuAmerica Rotengwa neZviuru Zviviri zveMadhora emuZimbabwe


Zimbabwe Gold Coins
Zimbabwe Gold Coins

Dhora remunyika rinonzi nhasi ratowedzera kushaya simba zvekuti vamwe vange votenga dhora rekuAmerica nemadhora zviuru zviviri emunyika kana kuti 1USD to 2000Zim Dollar pamari zhinji.

Asi pamusika uri pamutemo weReserve Bank of Zimbabwe foreign currency auction range richitengeswa nemadhora chiuru chimwe chete padhora rekuAmerica.

Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti vanofunga kuti kana mari iri kutengeswa fodya yasvika, dhora reZimbabwe rinogona kutanga kudzikama.

Vanotiwo vari kuda kuparura mari yepandandemutande kana kuti “digital currency” inenge ichitsigirwa negoridhe. Asi dzimwer nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti uku kwave kuteya nzou neriva.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Godfrey Kanyenze vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe yakakurumidza kudzosa dhora rayo vanhu vasina chivimbo naro. Vati kuti dhora ridzoke pane matanho akawanda anoda kutorwa kusanganisirawo kutaura nevashandinevashandirwi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG